Merikizedheki Uyu Ndiani?

<< yapfuura


  Chakavanzika chaKristu.

Merikizedheki Uyu Ndiani?


William Branham.

Verenga zvizere nyaya...
Merikizedheki Uyu Ndiani?

VaHebheru 7:1-3,
1 Merikizedheki uyu aiva mambo weSaremu, uye aiva muprista waMwari Wokumusoro-soro. Akasangana naAbhurahama pakudzoka kwake achibva kundokunda madzimambo, akamuropafadza,
2 uye Abhurahama akamupa chegumi chezvinhu zvose. Kutanga zita rake rinoreva kuti, “mambo wokururama”; uyezve, “mambo weSaremu” zvinoreva kuti, “mambo woRugare.”
3 Asina baba kana mai, asina madzitateguru, asina mavambo amazuva kana magumo oupenyu, soMwanakomana waMwari anoramba ari muprista nokusingaperi.

Imbofungai pamusoro Pake Munhu mukuru Akadai, kuti Anofanira Ari Mukuru zvakadii! Uye zvino, heuno mubvunzo, “Ndianiko Murume uyu.?” Vefundho dzeBhaibheri vakava namaonero avo. Asi kubva zvazaruka Zvisimbiso Zvinomwe, Bhuku yakavanzika yakambenge yakavanzika kwatiri... Maringe naZvakazarurwa chitsauko 10 ndima 1 kusvika 7, zvakavanzika zvose zvakanyorwa muBhuku Iyi, zvakanga zvakavanzwa mumazera ose aya evavandudzi, zvinofanira kuiswa pachena kuburikidza nomutumwa wechizvarwa chokugumisira. Vangani vanoziva kuti ichokwadi? Ndizvozvo, zvinofanira kuiswa pachena. Zvakavanzika zvose zveBhuku iyi yakavanzika zvinofanira kuzaruka kunhume yechizvarwa cheRaodhokiya.

Tichiona kuti pane gakava guru pamusoro peMunhu Uyu uye nechidzidzo ichi, ndinofunga kuti zvinotigombedzera kuti tipinde machiri, tigoona kuti Ndianiko Uyu. Zvino, kune maonero akasiyana-siyana pamusoro pamusoro Pake. Mamwewo maonero, anotaura achiti, “Aiva Ari fungidzirowo zvayo. Akange Asiri Munhu.” Vamwewo votaura, vachiti, “Hwaiva hupristi. Hwaiva hupristi HwaMerikizedheki.” Maonero awa ndiwo aripedosa, arinani kudarika mamwe maonero aya, nokuda kwokuti vanoti hwaiva hupristi. Hazvigoni kudaro, nokuti ndima 4 Inoti Aiva Munhu, “Munhurume.” Saka, kuti Anzi Munhu, Anofanira kuva nechimiro chohunhu, “Munhurume.” Kwete hurongwa; asi Aiva Munhu! Saka Akanga Asiri hurongwa hweupristi chete, Akanga Asirizve fungidziro. Aiva Munhu.

Zvino Munhu Uyu Ndewe Zienda-nakuenda. Kana mukazvicherechedza, “Akanga Asina baba. Akanga Asina amai. Akanga Asina nguva yamavambo Ake. Uyewo Haana nguva yokuguma Kwake.” Uye hazvinei kuti Munhu Uyu Aiva Ani, Achiri Mupenyu Manheru ano, nekuti Bhaibheri Rataura kudaro pano, kuti, “Akanga Asina baba, kana mai, mavambo amazuva Ake, kana magumo ehupenyu.” Saka Anofanira Kuva Munhu WeZienda-nakuenda. Ndizvo here? [Ungano inoti “Ameni.”-Ed.] Munhu WeZienda-nakuenda! Saka Aingogona kuva Munhu Mumwechete bedzi, Anova Mwari, nekuti Ndiye Woga WeZienda-nakuenda. Mwari!

Zvino, muna Timoti wokutanga chitsauko 6 ndima 15 uye 16, kana Uchida kuzopaverenga pane imwe nguva, ndigada kuti upaverenge. Zvino, chinhu chandinorwira ndechekuti, kuti, Aiva Mwari, nekuti Ndiye Woga Munhu Asingafi. Uyewo, Mwari Pachavo Vachizvishandura kuva Munhu; ndizvo ZvaAiva, “Asina baba, kana mai, Asina mavambo ohupenyu, kana magumo amazuvva.”

Zvino tinozviona muGwaro kuti vanhu vakawanda vanodzidzisa izvi, “HuMwari Hune vanhu vatatu vakasiyana.” Saka, haugoni kuva nohunhu hwomunhu kana usiri munhu. Zvinotora munhu kuti pave nohunhu hwomunhu. Mumwe mushumiri wechiBaptist, mavhiki mashoma apfuura, wakauya kwandiri, uye kumba kwangu, uye akati, “Ndimoda kukutwasura maringe nenyaya YoHuMwari pane imwe nguva kana wawana mukana.” Akandibata panhare, ndinoda kudaro.
Ndakati, “Mukana ndinayo izvozvi, nekuti ndinoda kuva akatwasuka, uye ndingasiya zvose hazvo parutivi, tiite chinhu ichi.”
Uye akauya, iye ndokuti, “Hama Branham, munodzidzisa kuti Kuna Mwari Mumwechete.” Ndakati, “Hongu, changamire.”
Iye ndokuti, “Zvakanaka,” iye ndokuti, “Ndinotenda kuti Kuna Mwari Mumwechete, asi Mwari Mumwechete Ane Hunhu Hutatu.”
Ndakati, “Changamire, dzokorodzai zvakare.”
Iye ndokuti, “Mwari Mumwechete, Ane Hunhu Hutatu.”
Ini ndokuti, “Chikoro chenyu makapindirepi?” Maona? Iye ndokundiudza kuti ku-kuchikoro cheBhaibheri. Ndakabva ndati, “Ndaigona kuzvitenda izvi. Haugoni kuva munhu usina hunhu. Uye kana uine hunhu hwomunhu, une hunhu humwechete hwako woga. Wakatosiyana, uri munhu akazvimiririra.” Uye iye ndokuti, “Zvakanaka, vafundhi veBhaibheri havatogoni kuzvitsanangura.” Ndakati, “Zvinouya nechizaruro.”
Uye iye ndokuti, “Handigamuchiri chizaruro.”
Ini ndokuti,”Saka hapana nzira yokuti Mwari Auye kwauri, nekuti, “Zvakavanzwa kubva kumeso evakachenjera uye vakangwara, asi zvichizarurwa kuvacheche, kuzarurwa, chizaruro, ‘kuzarurwa kuvacheche avo vanozvigamuchira, vanoda kudzidza.’” Uye ndakati, “Hapana nzira yokuti Mwari Auye kwauri; uno Mudzivisa wega pachako kuti Auye.”
Rose Bhaibheri chizaruro ChaMwari. Kereke yose zvavo yakawakirwa pachizaruro ChaMwari. Hakuna imwe nzira yaungaziva nayo Mwari, kunze kwenzira yechizaruro. Saka, kugamuch... Kusagamuchira kwako chizaruro, zvinoreva kuti uri wefundho dzeBhaibheri akatonhora, uye kwauri hakuchina tariro.

Zvino, zvino, tinoona kuti Munhu Uyu “Akanga Asina baba, kana mai, Asina mavambo amazuva kana magumo ohupenyu.” Aiva Mwari, Achishandura zviso zvake. Zvino, nyika, shoko iri rinobva, shoko rechiGreek iri, rinoreva, “shanduko,” rakashandiswa. Achizvishandura, kushandura huso, kubva mukuva mumwe munhu uchindova... Asi Munhu Mumwechete; shoko riripo mururimi rweGreek, kushandura huso, zvinoreva kuti... Rakatorwa kubva pamuitiro wavatambi vebhaisikopo, kuti munhu mumwechete anoshandura huso hwake, kuti agova mumwe mutambi zvakare.

Sezvazviri ku-kuchikoro, nguva pfupi yapfuura, ndinotenda kudaro, Rebekah, asati apuwa chitupa chokupedza chikoro, kwakaitwa mutambo waShakespeare. Uye mumwe mujaya akachinja hanzu dzake kakawanda, nekuti akanga achitamba zvinzvimbo zvavatambi vaviri kana kana vatatu vakasiyana; asi, iye ari munhu mumwechete. Aibuda, pane imwe nguva, somunhu akaipa anopara mhosva huru; uye aibudazve nguva inotevera, somumwe mutambi. Uyewo shoko rechiGreek rinoti, kushandura huso, rinoreva kuti “akashandura huso.”

Uye ndizvo zvakaitwa NaMwari. NdiMwari Mumwechete nguva dzose. Mwari Ari muchimiro ChaBaba, Iye-Iye Mweya, Shongwe YeGore Remoto. Mwari Mumwechete Akaitwa nyama Akagara pakati pedu, kushandura huso, Akaunzwa pano kuti Aonekwe. Uyewo Mwari Mumwechete Ndiye Mweya Mutsvene. Baba, Mwanakomana, Mweya Mutsve... kwete VaMwari vatatu; mahofisi matatu, hunhu hutatu HwaMwari Mumwechete.

Bhaibheri Rakati, “Kuna Mwari Mumwechete,” kwete vatatu. Asi ndicho chikonzero vasingakwanisi... Haugoni kuzvitwasura uye wova NaVaMwari vatatu. Hausi wakaona muJudha achidaro. Ndinokuudza chinhu ichi. Uyo anoziva zvirinani, anoziva kuti Kuna Mwari Mumwechete.

Mucherechedze, somuvezi, anovanza chivezwa chake, nechi-nechidzitiro pamusoro pacho. Ndizvo zvaitwa NaMwari kuchizvarwa chino. Zvanga zvakavanzwa. Zvinhu zvose zvanga zvakavanzwa, uye zvinofanira kuzarurwa muchizvarwa chino. Zvino, Bhaibheri Rinoti zvichizarurwa munguva dzekeguma. Zvafanana nomuvezi anochengeta basa ra-rake rakavharwa zvaro kusvikira nguva iyo yaano bvisa chidzitiro ichi uye hecho choonekwa. Ndizvo zvanga zvakaitwa Bhaibheri. Ranga Riri basa RaMwari RaAnga Akadzitira. Uye Ranga Rakavanzwa kubva nheyo dzenyika dzisati dzavambwa, uye nechakavanzika Charo Chakapetwa Runomwe. Uye Mwari Wakavimbisa muzuva rino, pachizvarwa chekereke yeRaodhokiya, kuti Aizobvisa chidzitiro chaiva pabasa iri uyewo kuti tigone kuRiona. Chinhu chakanaka zvakadii!

Mwari, Achishandura huso, Akadzitirwa MuShongwe YeGore Remoto. Mwari, Achishandura huso, Ari Mumunhu anonzi Jesu. Mwari, Achishandura huso, Ari muKereke Yake. Mwari Ari pamusoro pedu, Mwari Anesu; kuburuka Kwake Mwari. Kumusoro uko, Akarurama, hakuna waigona kuMubata, Iye Wakaburukira pagomo; uye kunyangwe nemhuka yaizoguma gomo, yaifanira kufa. Ipapo Mwari Akaburuka uye ndokushandura tendhe Rake, uye ndokuburukira Akagara nesu, Akava mumwe wedu. “Uyewo takaMubata namawoko edu,” Bhaibheri Rakadaro. Timoti wokutanga Chitsauko 3 ndima 16, “Pasina kupokana chikuru ichi chakavanzika choHuMwari; nekuti Mwari Akaratidzwa munyama, Akabatwa namaoko.” Mwari Akadya nyama. Mwari Akanwa mvura. Mwari Akakotsira. Mwari Akachema. Aiva mumwe wedu. Zvakanakisa, zvine mumvuri muBhaibheri! Mwari pamusoro pedu; Mwari Anesu; zvino Ava Mwari matiri, Iye Mweya Mutsvene. Kwete mumwe munhu wechitatu; asi Munhu Mumwechete!

Mwari Akaburuka uye Akava nyama, uye Akafa rufu, Ari MuNaKristu; kuitira kuti Achenese kereke, kuti Agone kupinda mairi, kuitira kuyanana. Mwari Anoda kuyanana. Ndicho chikonzero Akasika munhu pakutanga kwazvo, kuitira kuyanana; Mwari Anogara Oga, naMakerubhi. Uyewo mucherechedze, Akasika munhu, uye munhu ndokuwa. Saka Iye Akaburuka uye ndokuzodzikinura munhu, nekuti Mwari Anoda kunamatwa. Shoko rimwechete iri yokuti mwari rinoreva kuti “chinhu chinonamatwa.” Chinhu Ichi Chinouya pakati pedu, SeShongwe YeGore Remoto, seChino unza shanduko mumoyo yedu, Ndiye Mwari Mumwechete Akati, “Ngakuve NeChiedza,” uye chiedza chikavako. Ndiye Mumwechete zuro, nhasi nokusingaperi.

Zvino pakutanga Mwari Aigara Oga, Aine zvizenga zvake, sokutaura kwandaita mangwanani ranhasi. Dzinova ndidzo pfungwa Dzake. Kwakanga kusina chaivako, Aingova Mwari Oga, asi Aiva nepfungwa Dzake. Sezvingaita woumhizha mukuru kuti anomisikidza zvinhu, mupfungwa dzake, uye onyora pasi mamiriro echinhu chaanoda ku-kuvaka. Kusika, zvino, haagoni kusika. Anotora icho chakasikwa kare uye woshanda nacho kuumbiridza chimwe chinhu neimwe nzira; nekuti Mwari Ndiye Ega nzira... Woga Anogona kusika. Asi anozvibata mupfungwa dzake izvo anoda kuita, uye ipfungwa yake iyi, uye neshuviro yake. Zvino iyi ipfungwa, uye ipapo anozoitaura uye yobva yava shoko ipapo. Uye sho-shoko ndiro... Pfungwa, kana ichinge yaratidzwa, yava shoko. Pfungwa yaratidzwa yatova shoko, asi rinofanira kutanga riri pfungwa. Saka, zvinotanga zviri zvizenga ZvaMwari; zvozova pfungwa, zvopedzesera zvava Shoko.

Mucherechedze. Avo vane, Manheru ano, Hupenyu Husingaperi, vakange vaiNaye uye vari MaAri, vari Mumufungo Wake, kusati kwatombova kana noMutumwa, nyeredzi, MaKerubhi, kana chipi nechipi zvacho. Zienda-nakuenda Iri. Uyewo kana uinahwo Hupenyu Husingaperi, waivako nguva dzose idzi. Kwete somunhu wako uyu aripano, asi sekuonekwa uye nechimiro icho Mwari Uyu Asina mavambo nokuguma...

Zvino kana Iye Asiri weZienda-nakuenda, HaAsi Mwari. Nokuti Mwari Anofanira kusava namavambo kana magumo. Isu tiri veZienda-nakuenda; Iye Ndewe Zienda-nakuenda. Aiwanikwa munzvimbo dzose, Achiziva zvose, uye NdiSamasimba. Kana Asiri zvinhu izvu, zvino HaAgoni kunzi Mwari. Anoziva zvinhu zvose, nzvimbo dzose, nokuti Ariko kwose-kwose. Kuva Anoziva zvose kunoMuita kuti Ave kwose-kwose. Iye Munhu Pachake; HaAna kufanana nemhepo. Iye Munhu Pachake; Aneimba YaAnogara. Asi kuziva Kwake zvose, Achiziva zvose, kunoMuita kuti Ave kwose-kwose, nekuti Anoziva zvose zviri kuitiika. Hapagoni kuva neinda ingabwaira ziso rayo zvisingazivikanwi Naye. Uye Iye Akazviziva izvi nyika isati yavapo, kuti yaizobwaira maziso ayo rungani, uye kuti yaizova namafuta mangani mairi okukora kwayo, nyika ino isati yavako. Ndiko kuva weZienda-nakuenda. Hatingagoni kuzvinzwisisa nepfungwa dzedu,asi ndizvo zviri Mwari. Mwari, Asina mavambo kana magumo!

Verenga zvizere nyaya...
Merikizedheki Uyu Ndiani?


Chakavanzika chaKristu.

Chirungu nhau yepamhepo webhusaiti.

Areka yaNoa.

Mwari neSainzi Index.
- Archeology.

Kubvutwa kuri kuuya.

Dzimwe dzidziso huru.

Nhau dzakanaka.
Jesu akafira zvivi zvako.

Kubhabhatidzwa Mumvura.

 

Gore rekudenga.

Shongwe yemoto.

Shekinah kubwinya kwaMwari.

Guva harina chinhu.
Iye mupenyu.

Zita raMwari.
Mwari anonzi ani?

Kurarama Shoko.

Nguva yekuguma
dzakatevedzana.

Chivi Chekutanga.
Yakanga iri apuro?

Mwari akatsanangura.

Mwari uye Nhoroondo
akatevedzana Index.

Kufamba
KwechiKristu
akatevedzana.

Rufu. Zvino ndodii?

Archeology.
Sodhoma neGomora.

  Rugwaro runoti...

Achava nomwana mukomana wauchazotumidza zita rokuti Jesu nokuti ndiye achaponesa vanhu vake kubva muzvivi zvavo.

Izvi zvose zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvataurwa naIshe kubudikidza nomuprofita wake zvokuti:

“Mhandara ichava napamuviri, igozvara mwana mukomana, uye vachamutumidza zita rokuti Emanueri, zvichireva kuti, ‘Mwari anesu.’”

Mateu 1:21-23


Dzvanya pane mufananidzo kuti utore pasi yakazara saizi kana PDF.


Acts of the Prophet.

(PDFs Chirungu)

Mvura kubva
mudombo.

Pamberi...

Pashure...

William Branham
Life Story.

(PDF Chirungu)

How the Angel came
to me.

(PDF Chirungu)

Pearry Green personal
testimony.

(PDF Chirungu)

Marriage and Divorce.

(PDF Chirungu)


Meseji Hub...Sarudza mutauro wako uye dhawunirodha mameseji emahara kubva kuhama Branham.