Kurarama Shoko akatevedzana.

  Kurarama Shoko akatevedzana.

Mudzimai Wake Azvigadzirira.


William Branham.

Verenga zvizere nyaya...
Marwadzo Okubereka.

Bhaibheri rakati, “Mudzimai Wake Azvigadzirira,” pakuguma kwechizvarwa. Ko AkaZvigadzirira sei, kuti Agova Mudzimai Wake? Uye Mudzimai Uyu Anoitei? Imhando yakadii yehanzu YaAkapfeka? Shoko RaMwari mbune. Mudzimai Uyu Akanga Akapfeka Kururama KwaMwari. Ndizvo izvo. Ndizvo chaizvo. Maona? Chiratidzo!
Mucherechedze, mukuvhara manje-manje. Ndoda kutaura chunhu chimwechete ichi tisati tavhara. Ndicho chanditungamirira kuti nditaure izvi. Zvino, ndiyo “ZVANZI NAJEHOVHA.” Kana munhu akataura achidaro, ipo pasina, achiisa mazviri pfungwa dzake, anova munyengeri uye anofanira kuenda kugehena nokuda kwaizvozvo. Ndizvozvo chaizvo. Kana akaedza kukokorodza boka ravanhu, vanhu vakanaka sevava, uye obva avanyengera, nei, anenge ari dhimoni munyama yomunhu. Mwari Haafi Akamupa chiremerera. Munofunga here kuti Mwari Angaremekeza dhimoni kana nhema? Hazvigoni. Maona? Zvinopfuura napamusoro pavo, uye havazvibati. Iye Anokweva VaSananngurwa vabude kunze.

Tarisai pavporofita vose muzvizvarwa zvose, kuti Waitora VaSanangurwa vake sei. Tarirai, tichidzika munzira yose, kunosvika munguva dzokuvandudzwa. Sezvazvakaita kuti, kerere yeKatorike yakapisira Joan we Arc pamatanda, vachimupomera huroyi. Ndizvo chaizvo. Aiva mutendi mudzimai uyu. Ndizvo hazvo, vakazoita basa rokuzvirwadzisa vachida kudzima chivi ichi, mukuchera mutumbi womupirisiti ndokuukandira murwizi. Asi, munoziva, izvozvo hazvingagadzirisi chinhu mumabhuku Aiye Mwari. kwete! Vakapomera Saint Patrick, zvimwechete, mazviona, uye zvaakapomerwa zvakangofanana nezvandingapomerwawo nhasi. Saka, tinocherechedza... mutarise pavana vake. Mutarire nzvimbo yake, kumusoro uko, mutarire kuti vangani vakaurawa. Tarisai parungano rwavazhinji vakaurairwa Mwari mugoona kuti vangani vakaurawa ipapo. Mazviona, hazvina kuita saizvozvo. Asi matauriro avanhu, haizviite kuti zvive saizvozvo. Ndeizvo bedzi zvakataurwa NaMwari uye akazvisimbisa, ndizvo Zvechokwadi. “Edzai zvinhu zvose. Murambe makabatira pane izvo zvakanaka.”

Zvino tinoona kuti, zvino, kuno uku mumwedzi mishoma yadarika, mamwe mangwanani, ndakafamab ndichibuda mumba, uye chiratidzo ndokuuya. Uye ndinoisa pamangange ani naani zvake aripano, ane paanoziva makore ose awa, kuti ataure nezve nguva imwechete zvayo iyo Ishe Vkatendera kuti nditi, “ZVANZI NAJEHOVHA” uye zvikasaitika. Vangani vanozviziva kuti Ichokwadi? Simudza ruoko rwako. Zvakanaka. Aripo here anoti manyepo? Ichokwadi.

Musatarira nhume. Tarirai PaMharidzo yake. Ndizvo zvazviri. Maona? Musacherechedze uyo mudukusa [Tepi inonyarara.] anemhanza, wamunoziva, munhu, nekuti angoangoriwo munhu zvake, tose, tose takangofanana. Asi honai zvirikuitika. Ndizvo zvinozvipupura. Ndakabva ndatorwa. Zvino, ndinoziva kuti vanhu vanotaura zvinhu zvakawanda-wanda, uye tinoziva kuti zvakawanda zvacho hazvina kunaka. Handigoni kupindurira, zvinotaurwa naani zvake. Ndinofanira kupindurira izvo zvandinotaura ini. Ndinokwanisa kutaura kuti Ichokwadi here, kana kuti kwete. Uye ndindi- ndini ndinofanira kuva nomungava pamusoro pazvo, kwete zvinotaurwa noumwe munhu. Handigoni kutonga ani naani zvake. Handina kutumwa kuzotonga, asi kuzoparidza Mharidzo.

Muzvicherechedze, Ndaifanira ku-kufanoona zvinozova Kereke. Uye ndakatorwa Noumwe Munhu wandisina kunge ndaona, uye ndakakwidzwa, sezvingaita, nzvimbo yakakwirira. Uye ndakanzwa mhanzi inotapira yandisati ndambonzwa. Uye ndakatarisa, chaiuya... uye raiva boka duku ramadzimai, vaiita sokunge, vairatidza sokunge vezera, oh, vezera ringava makore makumi maviri okuberekwa (gumi namasere, makumi maviri), Uye vaiva nebvudzi refu, uye vakapfeka madhirezi akasiyana-siyana, mhando yawo, madzirezi awa. Uye vakanga vachifamba nenhanho dzakafanana kwazvo, dzakafanana nemhanzi iyi, nemo-nemo. Uye vakafamba vachibva nokuruboshwe rwangu, vachipoterera nokuku. Uye ndakavatarisa. Uye ndakatarira kuti ndione Waitaura neni, uye handina wandakaona.

Zvino ndakanzwa boka revanoridza rock-and-roll richiuya. Uye pandakatarisa kurudyi rwangu, vachikwidza kubva nekuku (kudzoka uku), haano makereke enyika achiuya. Uye vamwe va... Umwe noumwe wavo akatakura mureza wokwake, wekwaaibva. Zvaiva zvimwe zvezvinhu zvakasvibisa zvandisati ndamboona muhupenyuhwangu! Zvino kereke yerudzi rweAmerika payakauya, zvaiva zvinhu zvakanyanyisa kuipa zvandakamboona. Baba veKuDenga vanondipupurira. Vakanga vakapfeka zvirokwe zvoruvara rwakazvibira (sezvinopfekwa navasikana ava vemumabhawa) zvisina misana zvirokwe izvi, kumusoro uku; zvakarembera saizvozvo sechimedu chebepa rinoruvara rwakasvibira; uye vachitamba nomutambiro wamashavi; vakazora zviso zvavo, nebvudzi pfupi rakagerwa; vachiputa midzanga; vachizvonyongoka, pavaifamba maringe nemhanzi ye rock-and-roll.
Uye ndakabva ndati, “Ndiyo here kereke yekuUnited States?”
Uye Inzwi rakapindura, “Hongu, ndiyo.”

Uye vakati vachipfuura, vaitokabata sezvizvi, uye nokisa kapepa aka shure kwavo pavaipfuura. Ndaka-ndakabva ndatanga kuchema. Ndaka-ndakafunga kuti, “Pakushingairira kwangu kwose, ndizvo here zvandakabura izvi.” Ndizvo zvose here zvatakashadira pamwechete isu vashumiri... Uye, hama, handi-handizivi kuti munotenda zvezviratidzo ixvi kusvika papi; asi Ichokwadi, kwandiri. Zvakagara zvichiratidza kuti ichokwadi. Pandakaona izvi, uye ndichiziva zvakange zviri kuitika, moyo wangu wakada kuputsika mandiri. “Ndakaitei zvino? Ndakazvpotsa papi? Ndakamira nezvinodiwa NeShoko, Ishe. Ndaifanira kuzvifambisa sei?” Ndakafunga ndikati,”Nemhaka yei Musina kundipa chiratidzo ichi, chiri chakare, uye ini ndakazvionawo pachangu Machiri? Uye ndikati, ‘Zvakanaka, vachatongwa here?’ Iye akati, ‘Kunyangwe neboka raPauro, zvakare.’

Ndikati, “’Ndakaparidza Shoko rimwechete neraakaparidza.’ Bepa ReChristian Business Men rakadhindha pamusoro pazvo. Uye ndakati, “Nemhaka yei zvino? Nemhaka yei zvinhu izvi zvaita sezvizvi?” Ndakanga ndaona boka iro repfambi richifamba saizvozvo, vose vakapfeka mupfekero iwoyo, ndokubva yadaidzwa ichinzi, “Kereke inonzi Muzvare U.S.A” Ndakabva ndarukutika.

Zvino, ipapo, ndakanzwa mhanzi inotapira ichidzoka zvakare, uye heuno zvakare Mwenga muduku uya wakapfuura nepo zvakare. Iye akati, “Izvi ndizvo zvakabuda, hazvo.” Uye wakati Afamba Achipfuura nepo, Akanga Ariye chaiye akafanana Nouya wopakutanga, achifambidzana nemhanzi YeShoko RaMwari, achipfuura. Uye ndakati ndazviona, ndakamira ipapo ndakasimudza maoko angu ose, ndichichema, saizvozvo. Pandakasvika ipapo, ndakanga ndimire pavharandha rangu panze, ndakatarira nomumunda umo. Chii? Anofanira kuva Mwenga mumwechete, mhando imwechete, akaumbwa nezvinhu zvimwechete avakaumba Wokutanga.

Zvino verengai Maraki Chitsauko 4 uye mugoona kuti hatifaniri here kuva neMharidzo mumazuva okuguma, “inozoshandura moyo yavana kudzokera kumadzibaba,” kudzokera kuMharidzo yapamavambo chaiyo yePendekositi, Shoko pamusoro PeShoko. Hama, tatosvika. Zvino, kereke inofanira kuwana chiratidzo. Uye chiratidzo chayo chokuguma. Tinoona kuti pano, mumu- muGwaro... chionai zvino, maona, marwadzo okubereka makuru arimo muchizvarwa chino cheRaodhokiya. Zvino bhowa. Kereke yavo iri kuberekwa patsva.

Hakuzovi nerimwe sanagano. Munhu wose anozviziva kuti nguva dzose mharidzo payaiuya... Bvunzai vanoziva nezvenhoroondo ava. Mushure mokunge mharidzo yauya, sangano rainyukuka kubva airi; oh, Alexander Campbell, zvimwe zvose hazvo, Martin Luther, uye nezvimwe zvose. Vakaumba sangano kubva mamiri. Uye kazhinji mharidzo inongogara kwamakore angada kuita matatu, rumutsiriro. Ino iyi yafamab kwamakore gumi namashanu, uye hakuna sangano rakanyukukakubva mairi. Nemhaka yei? Gwande ndiro raiva rokupedzesera. Tava kumagumo.

Munoona marwadzo aya okubereka? Munoona here zvakakonzeresa? Vashoma vevakasara ndivo vabudiswa. Uye ndicho chikonzero ndirikudanidzira,uye kushingaira, uyewo nokusundira, uye ndiri kudiya mutsa wavanhu vepanyika, kuti ndiwanirwe mutsa NaMwari, uye nokuenderera mberi MuShoko Rake. Iri mumarwadzo. Ndiro dambudziko rayo. Ichabereka chete. Inofanira kutora sarudzo yayo. Chinyorwa chava pamadziro. Tinoona kuti nyika yavapedyo nokuparara. Ndizvozvo chaizvo. Uye tinoona kereke, yaora zvino, yavapedo nokuenda. Uye zvose zvakabatwa namarwadzo okubereka, akabata pazvose izvi iyo nyika nekereke. Uye panofanira kuva nenyika itsva yavakuda kuberekwa, uye nekereke itsva ichaberekwa, kuti igoenda ikoko, kuMillenium. Tinozviziva izvi.

Tarisai. Mwari Anoipa (Uye muteerere kwazvo kuzvinhu izvi. uye ndava kuvhara.) Chiratidzo chayo chokugumisira; Mharidzo yayo yokugumisira, chiratidzo chayo chokugumisira. Chiratidzo chayo chokugumisira, ndechichi, inofanira kupinda muchimiro chayakange iri pakutanga; iyo nyika, iyo kereke... Tarirai zvazviva pakutanga, makore ose awa, irikunze uko, kubva panaMaraki kundobata Jesu. Muzvitarise, makore ose awa zvino. Muzvitarise, kumashure kwose ikoko, kuora kwavakapinda makuri. Tarirai panyika iyi, kuti iyo panguva yoga-yoga, sezvazvaiva mumazuva aNoah, nezvimwe zvakadaro. Inofanira kuva saizvozvo, uye tiri kuzviona. “Sezvazvaiva mazuva aNoah.” Tirikuona zvinhu zvose izvi zvichipinda mugwararimwechete.

Verenga zvizere nyaya...
Marwadzo Okubereka.


Chakavanzika chaKristu.

Chirungu nhau yepamhepo webhusaiti.

Areka yaNoa.

Mwari neSainzi Index.
- Archeology.

Kubvutwa kuri kuuya.

Dzimwe dzidziso huru.

Nhau dzakanaka.
Jesu akafira zvivi zvako.

Kubhabhatidzwa Mumvura.

 

Gore rekudenga.

Shongwe yemoto.

Shekinah kubwinya kwaMwari.

Guva harina chinhu.
Iye mupenyu.

Zita raMwari.
Mwari anonzi ani?

Kurarama Shoko.

Nguva yekuguma
dzakatevedzana.

Chivi Chekutanga.
Yakanga iri apuro?

Mwari akatsanangura.

Mwari uye Nhoroondo
akatevedzana Index.

Kufamba
KwechiKristu
akatevedzana.

Rufu. Zvino ndodii?

Archeology.
Sodhoma neGomora.

  Rugwaro runoti...

Ndinokuudzai chokwadi, muchachema uye mugoungudza asi nyika ichifara. Muchasuwa, uye kusuwa kwenyu kuchashanduka kukava mufaro.

Mukadzi anopona mwana anorwadziwa nokuti nguva yake yasvika; asi kana mwana wake azvarwa, anokanganwa kurwadziwa kuya nokuda kwomufaro wokuti mwana azvarwa munyika.

Johani 16:20-21


Dzvanya pane mufananidzo kuti utore pasi yakazara saizi kana PDF.


Acts of the Prophet

(PDFs Chirungu)

Marriage and Divorce.

(PDF Chirungu)

William Branham
Life Story.

(PDF Chirungu)

How the Angel came
to me.

(PDF Chirungu)


Meseji Hub...Sarudza mutauro wako uye dhawunirodha mameseji emahara kubva kuhama Branham.