Zuva Riya paKarivhari.

<< yapfuura

inotevera >>

  Kumutswa akatevedzana.

Rufu rwaiva murango.


William Branham.
 

Verenga zvizere nyaya...
Zuva Riya paKarivhari.

Ruka 23:33,
33 Vakati vasvika panzvimbo yainzi Dehenya, vakamuroverera ipapo, pamwe chete nembavha, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe rwake.

Ndiro rimwe ramazuva anokosha pamazuva ose ayo Akambotenderwa kuva mambakwedza panyika naMwari. Uye kana zvakakosha kurudzi rwevanhu- Karivhari- ndinofunga kuti zvakanaka kuti isu tidzokere kunoongorora uye tione zvazvinoreva kwatiri. Nokuti ndine chokwadi munguva ino yekupedzisira yatiri kurarama, tiri kutsvaga kukosha kwese kuna Mwari kwatingaziva; uye zvose zvatinogona kuziva, tiri pano kuti tidzidze nezvazvo. Kuona kuti ndezvipi zvedu, uye zvatakaitirwa naMwari, uye kuona zvaAkavimbisa kutiitira. Uye ndizvo zvatinouyira kukereke.

Ndokusaka muparidzi achiparidza. Ndicho chikonzero achirava nekufungisisa muMaGwaro uye achitsvaga kufemerwa, imhaka yekuti mubandiri weruzhinji kuvanhu vaMwari, uye ari kuedza kuwana chimwe chinhu chicha... chingataurwa naMwari kuvanhu vaKe, chimwe chinhu chingavabatsira. Zvichida zvingavapomera muzvivi zvavo; asi angavabatsira kuvamutsa, kuti vasiye zvivi zvavo, uye vozosimuka kuti vashumire Ishe. Uye vashumiri vanofanira kutsvaka zvinhu izvi.

Kana zuva iri richikosha, rimwe ramazuva makuru kwazvo, ngatitarisei zvinhu zvitatu zvakasiyanasiyana zvinorehwa nezuva iroro kwatiri. Tinogona kutora mazana azvo. Asi mangwanani ano ndangosarudza zvinhu zvitatu zvakasiyana zvakakosha zvatiri kuda kutarisa kwenguva shoma dzinotevera, zvinoreva Karivhari kwatiri. Uye ndinonamata kuti richapomera mutadzi wose aripo, zvichaita kuti mutsvene wose aende kumabvi ake, izvo zvichaita kuti munhu wose anorwara asimudze kutenda kwake kuna Mwari obva aenda apora, mutadzi wose aponeswa, wose akadzokera shure adzoke uye agozvinyarira, uye mutsvene wose afare uye atore tariro itsva- tariro itsva.

Chinhu chikuru chinokosha chinorehwa neKarivhari kwatiri nekune nyika ndechokuti, yakagadzirisa mubvunzo wechivi zvachose. Munhu akawanikwa aine mhosva yechivi, uye chivi chaive nemurango usina aigona kuripa. Murango wacho wakava mukuru kusvikira pasisina aikwanisa kuripa. Ndinodavira zvamazvirokwazvo kuti Mwari Akazvigadza nenzira iyoyo- kuti murango waizova mukuru kwazvo zvokuti hakuna munhu aigona kuripa- saka iYe Aigona kuzviita iYe Amene!
Zvino, mubairo wechivi rufu. Tose takaberekerwa muzvivi, takaumbwa mukusarurama, takauya panyika tichireva nhema. Nokudaro, pakanga pasina mumwe wedu akanga akakodzera, kana kuti aigona kuwana mumwe panyika akanga akakodzera.

Uye chivi hachina kutangira panyika. Chivi chakatangira kudenga. Rusiferi, dhiabhorosi, aive chisikwa chakashurikidzwa nekusateerera kwake asati atouya panyika. Chivi chakatangira kudenga, uko Mwari Akaisa ngirozi uye zvichingodaro pahwaro humwe chete hwaakaisa vanhu. Zivo. Muti wokuziva... muti wohupenyu nomuti wokuziva, umo munhu aigona kutora sarudzo yake. Zvino Rusiferi paakapiwa hukuru hwekuita sarudzo yake, aida chimwe chinhu chiri nani kupinda chaive naMwari. Izvozvo zvakatanga dambudziko.

Pakanga pane zvazvaitora nokuda kwechivi. Zvazvaitora rwaiva rufu. Rufu rwaiva murango. Uye ndizvo... tinokwanisa kutaura zvakadzama pamusoro peizvi, nokuti handitendi kuti kune rufu rumwe chete. Kune hupenyu humwe chete. Ndinotenda kuti munhu ane hupenyu husingaperi haangafi, uye ndinotenda kuti kune kuparadzwa zvachose kwemweya unotadza. Nokuti Bhaibheri Rakati, “Mweya unotadza, uchafa zvirokwazvo”- kwete munhu, mweya unotadza. Saka Satani anofanira kufa zvechokwadi, kuti aparadzwe zvachose. Handibvumirani sei neveRutendo rwekuponeswa kwemunhu wose vanoti Satani achaponeswa! Akatadza, uye ndiye muvambi wechivi. Mweya wake wakatadza, uye akanga ari mweya. Mweya iwoyo uchaparadzwa zvachose kuti usava chinhu chinosara.

Uye chivi pachakarova nyika pakutanga segudza rerima rinowa kubva kudenga, chakashaisa nyika simba. Chakakandira zvisikwa zvose panyika, nezvisikwa zvose zvaMwari, muhusungwa. Munhu aive pasi pehusungwa hwerufu, hurwere, matambudziko, nekusuwa. Zvisikwa zvose zvakawa nokuda kwacho. Chivi chakanga chiri mushonga wechiveve uyo chaizvoizvo wakashaisa nyika simba! Zvino takagadzwa pano, tisina tariro, nokuti zvisikwa zvose panyika zvakanga zviri pasi pacho, uye munhu wose akaberekwa panyika akanga ari pasi pacho. Saka chaifanira kubva kune imwe nzvimbo yakanga isina chivi. Hazvaigona kuti chibve panyika.

Mumwe wedu haaigona kudzikinura mumwe. Aifanira kubva kune imwe nzvimbo. Naizvozvo, apo munhu akaziva kuti akanga aparadzaniswa naMwari Wake, akava mudzungairi. Vakasvimha nokuchema, vakashanda nesimba, vachidzungaira nomumakomo nomurenje, vachitsvaka guta iro muvaki nomuumbi waro, NdiMwari. Nokuti aiziva kuti kana achizodzokera muhupo hwaMwari, aizokwanisa kutaurirana naYe nezvacho. Asi pakanga pasina nzira yekudzokera. Akabva arasika, akashaya kuti onanga kupi. Saka akangobuda achidzungaira, achiedza kutsvaga kumwe kwaaigona kuwana nzira yekudzokera kunzvimbo iyoyo! Chimwe chinhu chaiva mukati make chaimuudza kuti aibva kunzvimbo yakakwana.

Hapana munhu pano ari muungano iyi inoonekwa mangwanani ano, kana muvateereri vetepi yemagineti kwaichatenderera pasi rose, hapana munhu pano kana kupi zvako, asingatsvaki kukwaniswa ikoko. Unobhadhara mabhiri ako, wofunga kuti zvichagadzirisika. Kana wabhadhara mabhiri ako, panobva paita mumwe munhu ari kurwara mumhuri yako. Kana hurwere hwapora, ndipo paunowana mamwe mabhiri ekubhadhara. Chinhu chekutanga chaunoziva, bvudzi rako rava kuchena, uye wobva wada kudzoka kuva mudiki. Uye pane chimwe chinhu nguva dzose, nguva dzose, nokuda kwesai-sai iroro rechivi. Asi mumoyo mako, nokuti unotsvaga izvozvo, zvinoratidza kuti pane kuperera pane imwe nzvimbo. Pane imwe nzvimbo pane chimwe chinhu.

-----
Pakupedzisira rimwe zuva - ndiro zuva iri paKarivhari, Mumwe Akaburuka kubva kukubwinya, Mumwe Ane Zita Rokuti Jesu Kristu Mwanakomana WaMwari, Akabva kukubwinya, uye Karivhari ikaumbwa. Ndiro zuva rakabhadharwa muripo, uye mubvunzo wechivi wakagadziriswa zvachose, zvikazarura nzira kuchinhu ichi chatiri kunzwa nzara nenyota yacho. Zvakaunza chinzvimbo chokugutsikana.

Hakuna munhu akamboshanyira Karivhari akaiona sezvayaiva, akambozova zvimwe chete 'zvo. Zvese zvaaishuvira kana kushuvira zvinogadziriswa kana asvika pachinzvimbo ichocho. Rakanga riri zuva rinokosha, uye chinhu chinokosha zvakadaro, chakazunungusa nyika! Chakazunungusa nyika sezvaisakamboita.
Jesu paAkafa paKarivhari Akabhadhara mubvunzo wechivi.

Nyika ino yezvivi yakava nerima! Zuva rakanyura masikati machena. Yakakotamisa pasi musoro wayo nekutya, matombo akazununguka, makomo akatsemuka, uye zvitunha zvakadzutuka kubva muguva. Zvakaitei? Mwari Akamira paKarivhari. Akakuvadza mhuka inonzi Satani zvachose. Zvino kubvira ipapo une hasha kwazvo, nekuti zvakavhenekera rudzi rwavanhu; uye chero ani zvake anoziva kuti mhuka yakakuvara ndiyo yakaipisisa kwazvo... ichifamba-famba yakatyoka musana. Zvino, Satani akaparadzwa paKarivhari. Nyika yakaratidza kuti ndizvo zavakaitika. Mubhadharo mukurusa wati wambobhadharwa, uye Mumwe chete Akakwanisa kuubhadhara, Akauya Akazviita paKarivhari. Ndipo pakabhadharwa mubhadhara mukurusa. Ndicho chimwe chezvinhu.

Mwari Akanga Achiuda. Hapana munhu aikodzera, hapana aikwanisa, hapana aikwanisa kuzviita. Zvino Mwari Akauya pachaKe Ndokuitwa munhu, Ndokurarama hupenyu hwemunhu pasi pezvishuwo zvevanhu, Ndokurovererwa paKarivhari. Uye ipapo, Satani paakafunga kuti haAizozviita, haAizopinda nemazviri- Akapinda nomuGetsemane nomuyedzo wose wakambomirisana nomunhu. Akapinda mazviri sezvinoita vanhu vose; asi Akabhadhara mubhadharo! Ndizvo zvakashaisa nyika chiedza.

Semushonga wokukotsirisa pakuvhiyiwa. Kana chiremba akapa munhu mushonga wekukotsirisa... anotanga amuvatisa asati avhiya. Zvino Mwari paAkapa kuvhiyiwa kwekereke, nyika yakapiwa mushonga wekukotsirisa. Husikwa hwakandengenyeka. Hazvishamisi. Mwari, munyama yemunhu, Akange Ofa. Yakanga iri nguva yakanga yakatarisirwa nenyika, asi vazhinji vavo vakanga vasingaizivi. Sezvazviri nhasi, vakawanda vanotsvaka zvinhu izvi, asi havazvizivi. Havazivi nzira yekubuda nayo. Vachiri kuedza kutsvaga mafaro nezvinhu zvenyika, vachiedza kutsvaga nzira yavo yekubuda nayo.

Kwave nezvikwangwani zvizhinji zvakanongedzera kuzuva iro- mifananidziro mikuru mizhinji. Zvakafananidzirwa negwayana, nenzombe, nenjiva, nezvose izvi; asi zvakadaro hazvina kugona kurwuputsa. Hazvaigona kuputsa kubata kwerufu ikoko! Nokuti Satani akanga ane nyika. Iwo matombo chaiwo aakambofamba achikwira nekudzika panyika, achipfuta nesarufa- Rusiferi akanga ari mwanakomana wamambakwedza uye akafamba panyika payakange iri bota remugomo rinopisa- matombo mamwe chete iwayo akanga atonhora, apo Jesu Akafa paKarivhari, akanyungudutswa achibva panyika. Mubhadharo wakabhadharwa, uye kutapa kwaSatani kwakaputswa.

Mwari Akaisazve mumaoko omunhu nzira yokudzokera nayo kune zvaakanga achitsvaka. Aisafanira kuzochemazve. PaAkavhuna musana waSatani paKarivhari- bhonzo remusana rechivi, rehurwere- uye zvinounza munhu wose anofa panyika kuti adzokere muhupo hwaMwari akanganwirwa zvivi. Hareruya! Zvivi zvedu zvaregererwa! Satani haachakwanisi kutibvisa pana Mwari! Pane mugwagwa mukuru wakagadzirwa, pane runhare rakagadzwa ipapo, pane tambo inoenda kukubwinya. Zvinounza munhu wese kusvikira patambo iyoyo.

Kana munhu azere nechivi, chaimubatanidza nechepakati. Anogona kuchiregererwa chivi ichocho! Kwete izvozvo zvoga, asi chivi ichocho chakabhadharirwa! Haufanire kuti, “Handikodzeri”. Chokwadi haukodzeri. Hawaigona kukodzera. Asi Akakodzera Akatora nzvimbo yako! Wakasunungurwa! Hauchafaniri kudzungaira. Haufaniri kuva munhu anotsvaka mafaro pasi pano. Nekuti:

Riripo tsime rizere neropa;
Rakatorwa kubva mutsinga dzaEmanuere;
Umo vatadzi vanonyura pasi pemafashamo;
Vorasikirwa nemakwapa avo ose emhosva.

Haufanire kurasika. “Kune mugwagwa mukuru, nenzira, uye inonzi nzira youtsvene; vasakarurama havapfuuri nayo.” Nekuti anotanga kuuya kutsime; anobva apinda mumugwagwa mukuru.

Akavhuna masimba aSatan. Akazarura mikova yetorongo yegehena, kuti munhu wose akanga akapfigirwa munyika ino- mumatirongo-achitya kuti kana afa, rufu rwaizova rwakaita sei kwaari... paKarivhari Akazarura mikova yejere ndkurega mutapwa wose asunungurwe. Hauchafaniri kubvarurwa nechivi. Hauchafaniri kupira mutumbi wako kuchivi, kunwa, kuputa, kubhejera, kureva nhema.

Iwe unogona kuva wakatendeseka, wakarurama, uye wakatwasuka; uye Satani hapana chaanogona kuita pamusoro pazvo, nokuti wabatira patambo! Tambo yehupenyu yakasungirirwa mudombo rakare. Hapana chinogona kukuzunguza kubva pairi. Hapana mhepo inogona kukuzunguza kubva pairi. Hapana chinhu, kunyangwe rufu pacharwo, chinogona kutiparadzanisa nerudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu.

Ndizvo zvairehwa neKarivhari. Vanhu vaiva muhuranda vakasunungurwa. Vanhu vaisimbotya rufu havachatya rufu. Munhu, anoshuva guta rakavakwa nokuumbwa naMwari, angatsika mumugwagwa mukuru, ndokurinzira chiso chake kudenga, nekuti wasunungurwa. Hareruya, akadzikinurwa! Haachafaniri kudzungaira, nokuti pane nzira yokuziva nayo kuti wakarurama here kana kuti kwete. Mwari Anotipa hupenyu. Zvivi zvedu zvaenda. Zuva riya paKarivhari rakabhadhara mubhadharo.

-----
Chokutanga tinofanira kutsvaka kuti zuva iroro rairevei. Chechipiri, tinofanira kuona zvatakaitirwa nezuva iroro, zvarakatiitira. Zvino chechitatu, ngatitarisei zvatinofanira kuita nokuda kwezuva iroro, zvatinofanira kuita.
Chekutanga, tinofanira kutarira mariri, nokuti izuva guru- gurusa kupfuura mamwe mazuva ose. Mubhadharo wechivi wakagadziriswa. Simba raSatani rakaputswa. Uye zvino tinoda kuona kupfumba kwekandiro kedu kanopfumba kwakabva kamwe.

Zvino, mukandiro kedu kanopfumba kamwe, Jesu paAkafa paKarivhari, paKarivhari pazuva iroro, haAna kungoripira mubhadharo wezvivi zvedu chete, asi Akaripirawo muripo uye Akagadzira nzira yokuti tigoMutevera. Nokuti isu, saAdhamu akatadza akadzikinurwa.... Sokutungamirirwa kwakaitwa Adhamu neMweya- Adhamu wokutanga- neMweya, uyo akanga ane simba pamusoro pezvisikwa zvose, zvino isu- Adhamu wechipiri, kana kuti, munhu wepanyika- akadzikinurwa naKristu kubva pazuva reKarivhari, anogona kuMutevera.

Verenga zvizere nyaya...
Zuva Riya paKarivhari.


Chakavanzika chaKristu.

Chirungu nhau yepamhepo webhusaiti.

Areka yaNoa.

Mwari neSainzi Index.
- Archeology.

Kubvutwa kuri kuuya.

Dzimwe dzidziso huru.

Nhau dzakanaka.
Jesu akafira zvivi zvako.

Kubhabhatidzwa Mumvura.

 

Gore rekudenga.

Shongwe yemoto.

Shekinah kubwinya kwaMwari.

Guva harina chinhu.
Iye mupenyu.

Zita raMwari.
Mwari anonzi ani?

Kurarama Shoko.

Nguva yekuguma
dzakatevedzana.

Chivi Chekutanga.
Yakanga iri apuro?

Mwari akatsanangura.

Mwari uye Nhoroondo
akatevedzana Index.

Kufamba
KwechiKristu
akatevedzana.

Rufu. Zvino ndodii?

Archeology.
Sodhoma neGomora.

  Rugwaro runoti...

Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva!

2 VaKorinde 5:17


Dzvanya pane mufananidzo kuti utore pasi yakazara saizi kana PDF.


Acts of the Prophet

(PDFs Chirungu)

Chapter 9
- The Third Pull

(PDF Chirungu)

Pamberi...

Pashure...

William Branham
Life Story.

(PDF Chirungu)

How the Angel came
to me.

(PDF Chirungu)




Meseji Hub...Sarudza mutauro wako uye dhawunirodha mameseji emahara kubva kuhama Branham.