Marwadzo Okubereka.

<< yapfuura

inotevera >>

  Kurarama Shoko akatevedzana.

Ndakaona Denga idzva nenyika itsva...


William Branham.

Verenga zvizere nyaya...
Marwadzo Okubereka.

Zvino, ndino-ndinoda kutaura pamusoro pechidzidzo chandamboreva masikati ano: Marwadzo Okubereka. Zvino,zvinhu izvi zvinoita sokunge zvisina kumira mushe, ask zviri muBhaibheri. Ndinotenda kuti Jesu Waitaura pamusoro pezve, sokutaura Kwake Achiti, “Muchava nokushushikana, asi kushushikana kwenyu kuchashandurwa kuve mufaro,” ipapo Achitaura navadzidzi Vake, Achiziva Hake kuti kuberekwa KweChiKristu kwakanga kwouya. Uyewozve chakare chinofanira kuti chingofa, kuitira kuti chitsva chigoberekwa. Kuva nechipi hacho chingabereka, chinofanira kuva namarwadzo awa okudzimbikana. Uyewo ivo zvechokwadi vakange vachipindana namarwadzo awa okudzimbikana uye kurwadziwa, kuti vabude mumurairo vachipinda munyasha.

Zviri zvamazuva ose, kuberekwa kwepanyama kunotoredzera Kuberekwa KwePaMweya. Zvinhu zvose zvepanyama zvinotoredzera zvemweya. Zvinotoredzera tinoona kuti, kana tikatarira kunze uko papaivhu, uye toona kuti much,uchikura, urikuita mutsimba kuti ugone kuva noupenyu. Izvozvo zvinoratidza kuti kunofanira kuva noumwe muti, kune imwe nzvimbo, usingafi, nekuda kwekuti uri-urikuchemera chimwe chinhu. Tinoona vanhu, zvisinei nokukwegura kwavo, kana murwariro wavo, kana chinhanho Chavo, varikuchemera, kuti vararame, nokuti zvinoratidza kuti kune imwe nzvimbo iriko kwatinorarama, kurarama nekusingaperi. Mucherechedze kuzvikwanira kwazvo.

Zvinotoredzera, muna Johani wokutanga Chitsauko 5 ndima 7 , ndinotenda kuti ndizvo, kana ndisina kukanganisa, Zvinonzi, “Kune zvitatu zvinopupura Kudenga: Ivo Baba, Iro Shook, NaIye Mweya Mutsvene; zvitatu izvi chinhu Chimwechete. Zviripowo zvitatu zvinopupura panyika ,ndiyo mvura, Ropa, NaMweya, uye zvinowirirana munazvose.” Mucherechedze ikozvino. Zvitatu zvokutanga Chinhu Chimwechete. Zvitatu zvepiri ndezve panyika, zvinowirirana muchinhu chimwechete. Haugoni kuva NaBaba Voga pasina Mwanakomana; haugoni kuva NeMwanakomana Oga pasina Mweya Mutsvene. Asi unogona kuva nemvura pasina Ropa, uye Ropa pasina Mweya.

Ndinofunga kuti, muzvizvarwa zvedu zvose, chinhu ichi chazviratidza kuva cheChokwadi; mvura, Ropa, Mweya; kururamiswa, kucheneswa, rubhabhatidzo RwaMweya Mutsvene. Izvi zvinotoredzera, kana kuti kuumba... Kana kuti, ndiwo mumvuri unotoredzera pakuberekwa kwepanyama. Muzvitarire kana mu-mudzimai kana kuti chipi nechipi zvacho chirimumarwadzo awa okubereka, mukubereka. Chekutanga chinoitika, panouya kudzutuka kwemvura, pakubereka kwamazuva ose; chechipiri panouya ropa; pozouya hupenyu. Mvura, ropa, mweya; uye ndizvo zvinofambidzana kuberekwa kwepanyama kwamazuva ose.

Uyewo ndizvo zvazviri muchiyero chomweya. Mvura kutanga, kururamiswa kuburikidza nokutenda, kutenda Muna Mwari, mukumugamuchira Iye Somuponesi wako pachako, uye nokuzobhabhatidzwa. Chepiri, ndiko kucheneswa kwemweya, kuti Mwari anosuka mweya kubva kunazvose zvenyika, uye nehavi yezvenyika. Ipapo Mweya Mutsvene anopinda uye ogamuchidza Kuberekwa kutsva uye Ozadza mudziyo wacheneswa.

Semuenzaniso, sezvazviri izvi. Zvinotoredzera, chinhu ichi, ndambokuudzai. Chaunenge usingatendi, tsaura uise parutivi, woenderera mberi kudya zingwa rakaputira nyama. Mucherechedze. Zvino, ka-kana girazi remvura rakaraswa kunze uko kuzumbu rehuku. Haugoni kuritora rakadaro uye worigadzika patafura yako uye worizadza nemvura yokunwa kana nomukaka. Kwete. Zvawarinhonga, ndiko kururamiswa. Kugezwa kwaro, ndiko kucheneswa, nekuti shoko rinoshandiswa mururimi rweGreek rinoti kuchenesa rine chirevo chakapetwa ruviri, richireva kuti “ kusukwa uye nokutsaurirwa basa.” Kwete kutopinda basa; asi wakamirira kupinda basa. Zvinhu kana warizadza, rinozopinda pakushandiswa.

Mundiregerere nekuda kwechinhu ichi zvino, haana chikonzero chekurwadzisa. Hapanoyi imi vePilgrim Holiness, vaNazarene panokonzera mukundikane kundosvika Pentecost. Makasukwa nechimiro chekucheneswa; asi pamakange magadzirira kuti mupinde pabasa, kuburikidza nezvipo zvekutaura nendimi uyewo nezvakasiyana-siyana, makazviramba, mukadzokerazve kuzumbu. Maona? Zvinotoredzera, ndizvo-ndizvo zvinoitika. Zvagara zvinodaro. Zvino, kwete kuti ndirikukushoropodzai ikozvino, asi kungoti ndiri-ndirikuda kubuditsa Chinhu ichi mumoyo mangu. Uyewo chinhu ichi changa chichipfuta mandiri kubva zvandauya pano, naizvozvo ndinofanira kuchibudisa. Kana ndakawanirwa nyasha dzaCarl, uyewo nedzaDemos uyewo nedzevamwe vavo, uyewo nedzenyu mose, Ndicha-Ndichazama nekukwanisa kwangu kwose kudurura zvose zviri mumunhu wangu womukati, maona, zvino zvinenge zvaakwamuri.

Chepanyama chichitoredzera chomweya. Zvino, tinoona kuti, uyewo kana zvadaro kuberekwa kwaitwa mukuzara. Kana mwana mucheche achinge, kazhinji kacho... Ipapo panodzutuka mvura, hauna zvizhinji zvaungaita nekuda kwazvo. Uyewo kana ropa richinge rouya, hauna zvizhinji zvaungaita nekuda kwazvo. Asi, kuti ugone kuva noupenyu mumwana aberekwa, kunofanira kurova kumusana wake, izvo zvinomuita kuti aridze mhere. Uye izvi ndizvo... Zvino, pasina kudzidza, sezviri hama dzangu dziri pano dzakadzidza zvakakwana pazviri, kudzidza kwavo ivo, asi ini ndinofananidzira zvepanyama kune zvemweya. Uye mazvionawo. Ndizvo zvakaitika. Zvakatotora kurohwa kudurura kwomusana, kuti chinhu ichi vagone kuchibata.

Uyewo, unoda kamwe kanhu kaduku, chimwe chinhu chinokuvhundutsa. Zvimwewo, haungadi kurova musana, asi kungomuvhundutsa zvishoma. Nyaya iyi yokuti atoberekwa, dzimwe nguva, unofanira kuti uzviite. Woita zvekumubvuta, wobva wamuzunza. Kana akasatanga kufema ipapo, worova musana wake zvishoma, ipapo acharidza mhere, mundimi yaasingazivi, iye pachake, ndinofunga kudaro. Asika iye-iye, zvisinei hazvo, ipapo anenge oita ruzha. Uyewo ndinofunga kuti kana mwana uyu aka-akaberekwa akafa, asingaiti ruzha, kana kupfakanyika, mwana akadaro akafa.

Ndiro dambudziko nechechi nhasi, hurongwa hwavo, mave nevana vakawanda varikuberekwa vakafa. Ndizvozvo chaizvo. Vanoda kurohwa misana yavo NeIvhangeri, munozviona, kuitira kuti tivapeputse, kuti vazive kuti ivo ndivanaani, kuitira kuti Mwari Afemere rufemo RweHupenyu mavari. Uye tinoona kuti ichi ndicho chokwadi chaicho. It ndiyo fundho yeBhaibheri yakakwasharara, asi chiri icho Chokwadi, zvakadaro.

-----
Tinoundzwa navaporofita VaMwari kuti tichava nenyika itsva, Denga idzva uye nyika itsva. Kana Uchida Gwaro rinotaura izvi, ndiZvakazarurwa Chitsauko 21. Ndinogona kukuverengerai, ndinayo pano. Johani akati, “Ndakaona Denga idzva nenyika itsva: nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura.” Zvakanga zvisisipo.

Zvino, kana tichizova nenyika itsva, nyika yakare nenyika itsva hazvingavi panzvimbo imwechete munguva imwechete. Kana kuti, zvenyika itsva nezvenyika yakare hazvingavi panzimbo imwechete panguva imwechete. Hakungavi nohurongwa hwenyika huviri munguva imwechete. Zvino, kuti tive nenyika itsva, yekare inofanira kufa, kanazvadaro yava kuva namarwadzo okubereka kuti pave neitsva.

Uye kana chiremba akaenda kunoongorora murwere ari mumarwadzo okubereka zvino, chinhu... chimwe chezvinhu chinoitwa nachiremba. Icho, Ndirikutaura nezvacho muhupo hwevaviri kana vatatu, vandinoziva, nezvavo vana chiremba vakanaka pano, vana chiremba vari maKristu. Uye Ndichakubvunzai izvi. Chimwe chezvinhu zvokutanga chinoitwa nachiremba, mushure mokutarisisa murwere, kugona kucherechedza marwadzo, marwadzo okubereka. Anocherechedza marwadzo aya, kuti aripedo napedo zvakadii, uye kuti mamwe namamwe awo anekubaya kwakadii. Mamwe anonyanya kubaya kudarika mamwe. Tevere mamwe, obaya kudarika mamwe, oitika zviripedo napedo. Ndiyo nzira yaano ongorora nayo mamiriro ezvinhu, kubudikidza nemarwadzo okubereka.

Zvakanaka, kana nyika ichifanira kuparura gwara rokuberekwa kweimwe nyika itsva, ngatimboongororai mamwe amarwadzo okubereka atiinawo panyika, uye tichazoona kuti yava muzuva ripi uye kuti yafamba nguva yakadii namarwadzo okubereka.

Hondo yepasi rose yokutanga yakaratidza marwadzo okubereka makuru kwazvo. Yakaratidza mamwe amarwadzo okutanga okubereka ichifamba yakananga kundosununguka. Nokuda kwenguva idzodzo kwairi, takanga tava namabhambhu, tiine zvigwagwagwa, uye nechefu inoiswa mumhepo. Uye munorangarira. Zvichida vazhinji venyu hamucharangariri. Ndkanga ndiri kakomana kaduku kana makore masere okuberekwa, asi ndinorangarira vachitaura nezve mastadhi iyi, yemhepo yeChlorine, nezvimwe zvakadaro. “Mukuti zvairatidzika sei kuti zvaizovamba uye,” ivo vakati, “zvaizopisa nyika yose zvayo. Zvouraya munhu wose. Zvakanaka, zvaigona kudaro kuti-kuti-kuti zvakadimurwa-dimurwa, nemhepo ichisvisundira munyika yose.” Uye kuti zvakavhundutsa munhu wose kusvika pakuda kufa nokuda kwechombo chikuru ichi chechefu inoiswa mumhepo! Nyika yakapfuura pazviri, ikava nemarwadzo okutanga okubereka.

Uye tinoona kuti zvino, takava nehondo yechipiri, hondo yepasi rose, uye marwadzo ayo akanga awedzera kubaya. Anowedzera kubaya kwako nguva dzose, marwadzo aya okubereka aiva panyika. Nyika yakapotsa yatosununguka imwe, munguva idzi dzebhambhu reAtomic, nekuti raigona kuparadza guta rose. Marwadzo aya akanga akakura pakubaya kwawo kudarika ehondo yepasi rose yokutanga, pamusoro pekuparadzwa kwenyika.

Ikozvino, inoziva kuti nguva yayao yokubereka yavapedo. Ndicho chikonzero iine kuvhunduka, kuvhiringika kune kutya, sezvaitori, inyaya yekuti kune bhambhu reHydrogen, uye zvombo zvemuchadenga zvinogona kuparadza nyika yose. Imwe ndudzi inotya imwe, zvisinei nokuti iduku sei. Vanazvo zvombo izvi zvavanopupura vachiti zvinozo... Chimwechete chazvo. Vanogona kuchitumira kure kunenyeredzi uko uye vochikanda kupi zvako kwavanoda panyika pano.

Russia, sokunzwa kwandakaita munhau, rimwe zuva, irikupupura ichiti inogona kuparadza nyika yedu ino, uye-uye yoita kuti zvakaumba zvinhu izvi zvisaparadze nyika yavo ivo. Isu hatizivi chokuita pamusoro pazvo. Vamwe vose varikupupura zvimwechete, uye ndizvo zvazviri... Science dzavanhu dzakabvoorera kupinda muLaboratory YaMwari, mukuti vachazviparadza pachavo. Mwari vanorega, nguva dzose vanorega huchenjeri hwomunhu kuti humuparadze. Mwari haana chaanaoparadza. Munhu anozviparadza nokuda kwouchenjeri hwake, sezvakaita munhu pakutanga, akatora huchenjeri hwaSatani muchinzvimbo CheShoko RaMwari.

-----
Saka inozviziva kuti haichagoni kutarisana nazvo. Vanhu vanozviziva kuti haichagoni kutarisana nazvo. Uye nyika inozviziva kuti ichava, zvichaitika. Nekuti Mwari Akazvitaura kuti zvachava saizvozvo. “Matenga ose uye nenyika zvichapfuta nomoto.” Pachava nokuvandudzwa kutsva kwezvinhu zvose, kuitira kuti nyika itsva iberekwe. Mwari Akazviporofita.

Nyika yaora, muhurongwa hwayo hwose, uye inofanira kudaro, inofanira kuora. Ndicho, ndicho chikonzero nyika, ndambotaura ndichiti, iine kuvhunduka uye nokuva nohuso hwakatsvuka nokutya, nokuvhiringika kune kutya. Uye kundengendeka kwenyika, kwose-kwose, uye ichikwidza nokudzika mumhenderekedzo. Dutu mupengo remvura rinobva munyanza richirova Alaska, uye kundengendeka kunokwidza nokudzika mumhenderekedzo dzegungwa, nekuda kwekundengendeka kwenyika nezvimwe zvakadaro. Uyewo vanhu vachinyora vachiti, “Tobuda here munzvimbo ino? Tobuda here munzvimbo ino?” Maona? Havachazivi zvokuita. Hakuna imwe nzvimbo yakachengetedzeka kunze kweImwechete, muna Kristu, Iye Mwanakomana WaMwari Anorarama. Uye pane nzvimbo imwechete yakachengetedzeka, uye Ndiye Iye. Zvose zviri kunze Kwake zvichaparara, nemo-nemo sokurehwa kwazvakaitwa NaMwari.

Zvino, ngatitarirei Mubhuku RaChiremba, kana nyika iriri muchinhanho chakadai, tigoona kuti zvinhu zvirikuitika kwairi izvi zvinofanira kuitika here panguva yokuberekwa kwenyika itsva. Mateo Chitsauko 24, muBhuku RaChiremba, rinova iro Bhaibheri, uye tigoona zvakaporofitwa, uye kuti zviratidzo zvokurwadziwa kwenyika zvaizova zvipi. Zvino, kana chiremba achiziva zviratidzo zvemarwadzo okuberekwa kwomwana... Uyewo nenguva chaiyo yokuuya kwomwana, anoisa zvinhu zvose zvokushandisa munzvimbo, nekuti anoziva kuti yava-yavanguva yokuberekwa kwomwana. Nekuti, zviratidzo zvose zvamarwadza zviri kuratidza; iyo-iyomvura yadzutuka, iro ropa. Uye ikozvino ngu... Nguva yakwana. Mwana watodzika mudumbu, uye yasvika nguva yokuti mwana aberekwe. Naizvozvo anoisa zvishandiswa zvose panzvimbo.

Zvino, Jesu Wakatiudza izvo zvinofanira kuitika panguva ino. Akatiudza, muna Mateo Chitsauko 24, kuti Kereke, Kereke yechokwadi, uyewo neimwe kereke, zvinozova... Kereke yepanyama , Kereke yomweya, “Dzichange dziri pedosa mukufanana, vatevedzeri, mukuti zvazogona kunyengera VaSanangurwa, dai zvaikwanisika.” Kuti zvaivawo mumazuva aNoah, “Kuti vakanga vachidya, vachinwa, vachiroora, nokuroodzana,” uyewo nokushaiwa hunhu kwenyika kwatinoona nhasi. Iro Bhaibheri, iro Bhuku, Bhuku RaChiremba rakazvitaura kuti zvichaitika. Saka, patinoona zvinhu izvo zvichiitika, tinoziva kuti kuberekwa kwenyika itsva kwava pedo. Kunofanira kuva pedo. Hongu, changamire. Zvino, tinotarisa pazvinhu izvi se-sendudzi; kwete sendudzi ino chete, asi senyika yose.

-----
Zvino Isiraeri, iyo kereke, regai titrire pairi kwamaminitsi mashomanana. Uye tigoironda kwamaminitsi gumi anotevera, zvichida. Isirareri yakava namarwadzo okubereka pasi pomuporofita woga woga akauya panyika. Yakava namarwadzo okubereka nokuda kweMharidzo yomuporofita. Nokuti Yakaitei? Muporofita aiva NeShoko. Uye-uye Israeri yakanga yadyara kuora kuzhinji uye ikagamuchira hurongwa hwenyika huzhinji kuti hupinde mairi, mukuti muporofita uyu aizunguza Israeri kubva panheyo dzayo. Vaporofita vaivengwa navanhu vose. Saka, naizvozvo, Mwari PaAkatuma muporofita, kereke pachayo yakapindana namarwadzo okubereka. Nokuti, iye muporofita, “Shoko RaMwari Rinouya kumuporofita, uye kwaari oga.” Zvichireva kuti, Shoko rakataurwa rezuva iroro rakaratidzwa kuburikidza nomuporofita wechizvarwa ichi, zvakagara zvakadaro. Uye, makereke, anoumbiridza hurongwa hwakawandisa hwavanopoteredzesa Shoko, mukuti anoizunguza kubva munhenyo dzayo paanouya. Ndokubva yava namarwadzo okubereka. Chaivo chii ichi? Kudzokera KuShoko! Kudokura KuUpenyu! Hurongwa hwavanhu hauna Hupenyu. Ishoko RaMwari chete Rine Hupenyu. Hurongwa hwavanhu hwavanoRipoteredza nahwo, hauna Hupenyu. Shoko Ndiro Rinopa Hupenyu.

Mharidzo Yake Yakazunza vashoma vakasara kuti vadzoke KuShoko. Kaboka kaduku kanobuda mazviri uye kozvitenda. Dzimwe nguva, zvichida... Munguva dzaNoah, vanhu vanokwana kuita vasere bedzi. Asi, zvakadaro, Mwari Akazunza vashoma vakasara. Uye, akaparadza, zvose zvimwe zvaifanira kuzunzwa zvichiparara.

Verenga zvizere nyaya...
Marwadzo Okubereka.


Chakavanzika chaKristu.

Chirungu nhau yepamhepo webhusaiti.

Areka yaNoa.

Mwari neSainzi Index.
- Archeology.

Kubvutwa kuri kuuya.

Dzimwe dzidziso huru.

Nhau dzakanaka.
Jesu akafira zvivi zvako.

Kubhabhatidzwa Mumvura.

 

Gore rekudenga.

Shongwe yemoto.

Shekinah kubwinya kwaMwari.

Guva harina chinhu.
Iye mupenyu.

Zita raMwari.
Mwari anonzi ani?

Kurarama Shoko.

Nguva yekuguma
dzakatevedzana.

Chivi Chekutanga.
Yakanga iri apuro?

Mwari akatsanangura.

Mwari uye Nhoroondo
akatevedzana Index.

Kufamba
KwechiKristu
akatevedzana.

Rufu. Zvino ndodii?

Archeology.
Sodhoma neGomora.

  Rugwaro runoti...

Ndinokuudzai chokwadi, muchachema uye mugoungudza asi nyika ichifara. Muchasuwa, uye kusuwa kwenyu kuchashanduka kukava mufaro.

Mukadzi anopona mwana anorwadziwa nokuti nguva yake yasvika; asi kana mwana wake azvarwa, anokanganwa kurwadziwa kuya nokuda kwomufaro wokuti mwana azvarwa munyika.

Johani 16:20-21


Dzvanya pane mufananidzo kuti utore pasi yakazara saizi kana PDF.


Acts of the Prophet

(PDFs Chirungu)

Marriage and Divorce.

(PDF Chirungu)

William Branham
Life Story.

(PDF Chirungu)

How the Angel came
to me.

(PDF Chirungu)


Meseji Hub...Sarudza mutauro wako uye dhawunirodha mameseji emahara kubva kuhama Branham.