Rute, muMoabi.

<< yapfuura

inotevera >>

  Kurarama Shoko akatevedzana.

Mudzikinuri WeHama.


William Branham.

Verenga zvizere nyaya...
Mudzikinuri WeHama.

Ndinoda kupa musoro wehurukuro diki iyi mangwanani ano, pandinoidzidzisa, ndichiedza kuunza kutenda kwamuri kworudzikinuro uye kuti chii uye kuti mungarwugamuchira sei, ndinoda kuitumidza kuti: “Mudzikinuri weHama.”
Zvino, kudzikinura chinhu kuchidzosa. Chimwe chinhu chakarasika, sekuchiisa muchitoro chinounzwa midziyo kuti itengeswe. Uye unoburukira 'ko wodzikinura icho, chinodzikinurwa nemutengo. Zvino chichava chako pachako, mushure mekunge wachidzikinura. Asi murairo wekudzikinura muIsraeri, paitofanira kuva nehama yepedyo yekudzikinura pfuma kana chimwe chinhu chakanga charasika.

Nyaya yedu inotangira panguva yevatongi veIsraeri vaiva vatongi, mushure mekufa kwaJoshua. Uye kuti uwane mufananidzo wakaisvonaka kwazvo weizvi, verenga pamusoro pezvitsauko zvishanu kana zvitanhatu zvokutanga zvaSamueri wokutanga, uye uchawana nyaya yacho izere.

-----
Zvino vanhu vazhinji vanotarira bhuku iyi yaRute, sezvavanoti, “Inyaya yorudo yeBhaibheri.” Bhaibheri inyaya yerudo. Bhaibheri Rose inyaya yerudo. HaRisi nyaya yerudo chete, asi muporofita. HaRisi muporofita chete, asi inhoroondo zvakare. HaRisi nyaya yerudo chete, inhoroondo, muporofita, NdiMwari pachaKe. Nokuti, “Pakutanga kwaiva neShoko, uye Shoko Raiva kuna Mwari, uye Shoko Raiva Mwari.” Saka Shoko NdiMwari muzvinyorwa. Zvinofanira kugadzirisa nyaya yacho, hama. Mwari muzvinyorwa. Jehovha Akadhindwa mubhuku. Uye hapana rimwe rakafanana naRo kusiya kweanongova imwe mhando yengano dzenhema, asi Rose ichokwadi chakazara; chikamu chose chaRo, zorodza ipapo munhu wako womukati. RiRipo, ichokwadi. Uye Mwari Achatsigira Shoko RaKe.

Uye nyaya iyi yakanyorwa.... Uye zvinyorwa zvose zvekare, pavakanga vachipatsanura Bhaibheri (varume vatsvene), pavakanga vachiedza kuRibatanidza muTestamende Yekare, bhuku iyi yaRute yaiva iri imwe yamabhuku eBhaibheri akatanhamara avakagamuchira. Sei? Kana iri nyaya yerudo bedzi, sei vanyori nevachenjeri vekare vachigamuchira bhuku iri serakafemerwa? Nokuti mune chizaruro chakavanzika mariri. Uye muchizaruro chakavanzika ichi, unobata chirevo chaicho, uye chichakuswededza pedyo naMwari.

Uye ndinonamata nomunhu wangu wose womukati mangwanani ano, kuti Mwari Abate moyo wose mukukutu, kusvikira AzoZvizarura pachaKe, zvaAnongova, munyaya iyi-zvaAri kwauri, kuti ungaMugamuchira sei. Uye kana iwe ukangozviona, zviri nyore zvekuti unoshamisika kuti wakambokonewa sei kuzviona. Asi zvinongogona kungozarurwa chete naMweya Mutsvene.

-----
Zvino, nyaya iyi inotanga chimwe chinhu nenzira iyo; mudzimai aidikanwa, aitapira, ainzi Naomi. Naomi zvinoreva kuti “zvinofadza.” Erimereki, akanga ari murume wake, zvinoreva “kunamata.” Kunamata kunofadza yaiva mhuri yake. Vaiva nemwanakomana Maroni, zvinoreva kuti “hurwere.” Uye Kiriyoni, mumwe wacho, zvaireva “kuneta, kushushikana, kusuwa.” Heinoi mhuri.

Zvino ivo... kwakauya nzara munyika yaIsraeri. Uye kukanganisa kwekutanga kunoitwa nemuJudha kubuda munyika iyoyo. Mwari Akavapa nyika iyoyo. Abrahama paakapiwa nyika iyoyo, Mwari Akamuudza kuti asabva munyika iyoyo. Uye akakanganisa paakadzika muGera, akapinda mudambudziko. MuJudha haafaniri kubva muParestina. Ndiyo nzvimbo yake yaakagoverwa. Uye vakamwararidzirwa kunze pasi rose, uye zvino vari kudzoka zvakare.

-----
Zvino, ndinoda kufananidzira, mangwanani ano, Naomi, mudzimai mukuru, nekereke Yemurairo, kereke yechiJudha Yemurairo. Rute, muMoabi, muHedheni, ariye kereke yeChiKristu, kereke itsva. Uye ndinoda kuzvitaura kubva muzvikamu zvina zvakasiyana: Rute (ndazvinyora pano), Rute achitora sarudzo, achiita sarudzo yake; Rute achishumira; Rute achizorora; Rute achipiwa mubayiro. Sezvatinodzokorora, Rute achiita sarudzo; Rute, mushure mokunge aita sarudzo, zvino Rute ari kushumira; zvino Rute achizorora; zvino Rute anopiwa mubayiro.

-----
Rute achiita sarudzo. Zvino, Ruth ari kushanda pasi pesarudzo yake. (Zvino tarisai kweminiti.) Zvino, anoenda kumunda kunokohorora. Zvino, amai vake vakamuudza (inova, Testamente Yekare ichitaurira Itsva, munoziva), amai vake vakamuudza, vakati, “Tine hama yepedyo, inonzi Bhoazi. Munhu akapfuma. Uye ihama yepedyo. Iwe enda kumunda wake uye zvichida.... Usaenda kune mumwe munda, enda kumunda wake.” Matauriro anoita Mweya Mutsvene kuti tisaburuke kwete kubva mune imwe mhando yebhuku rekereke, imwe mhando yekatekizimu, asi kuenda kumunda waMwari, Testamente Yekare, Bhaibheri. Usati, “Zvakanaka, tichataura izvi. Uye tichataura izvi semunamato. Tichava neizvi.” Gara nemunda. Pinda mauri nokuti ihama yepedyo.

Shoko RaMwari, Testamende Yekare, ihama yepedyo kune Itsva. Kereke yekare ndiamai vekereke itsva (maona), MuKristu, mutendi. “Usaenda kune mumwe munda. Gara mumunda wake chaimo. Uye zvichida rimwe zuva unogona kukuwanira nyasha.”
Zvino rimwe zuva ari kumunda, jaya iri rakapfuma rainzi Bhoazi, mutongi, murume akapfuma, akasvikapo uye akamuona. Hekanhi! Akati achimuona, akamuda. Akafunga kuti akanga ari mudzimai anoshamisa. Aifarira hunhu hwake. Munorangarira akati, “Ndinoziva, uye vanhu vanoziva, kuti uri mudzimai akanaka.” Akaita sarudzo yake yakachena uye yakajeka. Akadzoka kuzorarama sezvaakati achaita.

Nedzimwe nzira, nhasi vangati, “Tinoziva kuti uri MuKristu. Tinoziva kuti muri munhu waMwari, nokuti hakuna munhu angagona kuita minana iyi kusiya kwokunge Mwari Ainaye.” Ndizvo zvakataurwa naNikodhimo kuna Jesu, akati, “Rabhi, tinoziva kuti Muri Mudzidzisi Akabva kuna Mwari: hapana munhu anogona kuita zvinhu zvaMunoita, kusoya kwekunge Mwari Ainaye”; paaikwanisa kuMuwona Agere ipapo Achinzvera mifungo yemoyo yavo. Mumwe mudzimai akabata nguo yaKe, Akacheuka Ndokuti, “Ndiani aNdibata?” Vese vakaramba. Uye Akatarisa kumashure muungano, Ndokuti, “Imi, mune dambudziko rekubuda ropa, ipapo. Kutenda kwenyu kwakuporesai.”

Akati, “Hapana munhu anogona kuzviita kusiya kwekunge Mwari Ainaye! Tinoziva kuti Munobva kuna Mwari. Hatikwanise kuKugamuchirai, nekuti tichadzingwa mukereke.” Munoona, muzambiringa wakabatanidzirwa, Hama West, patakanga tichitaura manheru apfuura. Vanokudzingai. “Asi pasi pemoyo yedu tinoziva kuti Munobva kumuzambiringa wekutanga.” Kristu muzambiringa, isu tiri matavi. “Tinoziva, nokuti tinoona hupenyu humwe chete huri muna Mwari, huri maMuri.” Ndizvo zvakaonekwa naBhoazi muna Rute, sarudzo yakanyatsojeka, hunhu hwemudzimai akamira ipapo. Uye akadanana naye.

Zvino, ndinoda kuti mucherechedze, Naome, kereke yakare, yotanga kutsanangurira Rute mirairo yose pamusoro pechinamato chake; seTestamente Yekare mumvuri weItsva. Zvino, ndinoda kuti mubate nyaya iyi ipo pano. Zvino, ndinoda kuratidza mimvuri. Testamente Yekare inotsanangura Itsva, kana ukangoiverenga, nokuti mucherechedzo weItsva. Zvino dai ndanga ndichienda kumadziro aya, uye ndisina kumbobvira ndakazviona ini pachangu, uye ndikaona mumvuri wangu, ndaizoziva … ndigove nemafungiro ekuti ndingataridzika sei. Kana uchiziva kuti Testamente Itsva chii, verenga Yekare uye uchaona mumvuri wayo, maona. Zvino kana Testamente Itsva yapinda, unozoti, “Hongu 'ka, chokwadi, ndizvozvo.” Bhuku raVaHebheru, tichidzokera shure, Pauro achizvitsanangura.

Zvino, nyatsocherechedza zvino, Rute paakati.... Kana kuti, Naome paakati kuna Rute, ndokuti, “Zvino, ihama yedu yepedyo. Uye kana akakuwanira nyasha, uchazorora.” (Haiwa, imi we-e!) “Kana ukawanirwa nyasha, uchawana zororo.” Bhoazi aimiririra Kristu, mupfumi, mugare wenhaka yezvinhu zvose, Ishe wegoho. Haiwa, imi we-e! Hongu 'ka, sezvakauya Bhoazi akatasva karichi iyoyo, achitarisa tarisa muminda, uye meso ake ndokuwira pana Rute. Aiva tenzi. Aiva ishe wegoho. Uye akawanirwa nyasha muhuso hwake.

Ndizvo zvinoita kereke nhasi. Ishe Wegoho paAri kupfuura, haAtarise kuzvivakwa zvikuru, zviruvi zvihombe, makwaya akanyatsodzidziswa. Ari kutsvaga dungamunhu! Varume nemadzimai vakazvipira uye vakanyotora sarudza yaKristu, vakazvitsaurira kubasa raKe: “Mwari, ndinozvitenda! Shoko rose zvaro. Kana Shoko ReNyu Rataura chero chinhu, ndinomira nacho. NdiRo Shoko ReNyu. Ndinozvitenda, shoko rose.” Ndizvo zvaAri kutarisira, Ishe Wegoho. Ndizvo zvaAnoda kupa- Mweya Mutsvene kune avo vane nzara nenyota. “Makaropafadzwa imi mune nzara nenyota, nokuti muchagutswa.” Ari kuedza kutsvaga kereke iyoyo nhasi.

Zvino, Rute akakumbirwa kuti aite chimwe chinhu chainyadzisa, asi akanga achida kuchiita nokuda kwokuti akanga aita sarudzo. Mumvuri wemutendi wakadii. Mumvuri wakakwana sei! Naome, kereke yakare, akati, “Burukira 'ko manheru ano, mwaka wegorosi.” Haiwa, ipfungwa yakanaka sei yataigona kugarira pairi.

Naome naRute vakauya mumwaka wegorosi. Mwaka wegorosi wakanga uri mwaka wechingwa!- mwaka waipiwa chingwa chitsva. Uye kereke mumazuva ano okupedzisira, kubudikidza nezviuru zviviri zvemakore edzidziso yechihedheni nezvimwe, yakapinda mumwaka wegorosi, hutsva hwehupenyu, chingwa chitsva, huchi hunobva kudenga. (Russell, taura nezve chingwa chakazodzwa huchi!) Ndizvozvo! Chingwa chakabva kudenga. “NdiNi chingwa chohupenyu. Madzibaba enyu akadya mana akafa. Asi iNi NdiRi chingwa chehupenyu chinobva kudenga kuna Mwari. Kana munhu akadya chingwa ichi, haangatongofi.” Uye kereke mumazuva ano ekupedzisira pano inounzwa, iko zvino, mumwaka wegorosi.

Rute, muHedheni, akadzingwa, akadzingwa, akaunzwa se(kuti agamuchirwe somwenga, Kristu) aukaya mumwaka wegorosi.
Akati, “Zvino, chizvipfekedza nguo dzako”; kwete kuti, “bvisa nguo dzako.” Zvakapesana sei nanhasi. “Zvipfekedze nguo dzako, kana uchindosangana naye. Ari kuzorudza gorosi manheru ano. Burukira 'ko uzvipfekedze nguo dzako. Zvifukidze, usangane naye.”

Nhasi vanoda kuzvifukura. “Zvifukidze. Burukira 'ko nokuti anorudza gorosi. Uye ipapo cherechedza nzvimbo yaanorara.” Wakazviita here? PaGorogota! Makore mazhinji apfuura, ndakacherechedza mumoyo mangu paAkaradzika hupenyu hwaKe kuti Agonditora. “Cherechedza paanovata. Tarisa paakarara.” Ndizvo zvinofanira kuitwa nemutendi wese. Tarisa zvaAkakuitira. Mharidzo yeSvondo yapfuura pamusoro pokuti “Rwendo kuKarivhari.” Cherechedza zvaAkakuitira.

Iye akati, “Cherechedza paanovata. Zvino kana avata (kuti azorore), iwe enda unorara pasi kutsoka dzake.” Kwete kumusoro wake; tsoka dzake!-kusafanira. “Uye tora gumbeze raakafukidzwa naro, urifuke.” Unozviona here? Haiwa, ini zvangu! Ndinoziva kuti unogona kufunga kuti ndiri mupengo, asi zvinonyatsondiitira zvakanaka, Mweya WaMwari iWoWo. Cherechedza paAkarara... Karivhari; paAkarara muguva; muGetsemane. Cherechedza, wokambaira uchikwira kutsoka dzaKe, worara pasi ipapo wofa kune zvauri, maona. Mazviona. Zvifukidze nenguo yaKe. Akati, “nguo,” akaidana saizvozvo.
Rute akati, “Zvamataura, ndizvo zvandichaita.”

Haiwa, isarudzo yakajeka sei kumutendi! “Zvinotaurwa neBhaibheri, ndichaita. Rnoti, 'Tendeukai, mubhabhatidzwe neMuZita RaJesu Kristu,' ndichazviita. Kana Rikati, 'Endai munyika yose muparidze evhangeri,' ndichazviita. Kana Rikati ... chero zvaRinotaura, 'Jesu Kristu haAshanduki, zuro, nhasi, nokusingaperi,' zvaRinotaura kuti ndiite, ndichazviita!” Munoona, kereke ichitora kurairwa kwayo kubva muShoko. Akarara pasi.

Zvino rangarirai, zvainyadzisa, kuti mudzimai wechidiki uyu ange avete padivi pemurume uyu, patsoka dzake. Zvinonyadzisa kunyika yekunze! Haiwa, unogona kuzvitsungirira here? Hezvinoi.
Tarirai! Tarirai, ndizvozvo! Kereke, madzimai echidiki, varume vechidiki, vakuru kana vechidiki, vanokumbirwa kuti vazvipatsanure nenyika uye vauye munzvimbo, muhumambo hweMweya Mutsvene, hunonyadzisa kunyika. Nechemumoyo mavo vanoziva zvazvaireva. Asi kunyika vanova mupengo, vanova muumburuki mutsvene kana chimwe chinhu namaonero iwayo, rimwe zita rinonyadzisa. Asi kereke inokumbirwa kuzviita. Unoshuvira here kucherechedza nzvimbo, wovata pasi? Rega nyika ikushevedze chero zvainoda.

Rwiyo rwekare rwaiti:

Ndakatanga kufamba naJesu ndiri ndega (Maona?),
Ivai nebwe semutsago, saJakobho;
Ndichatora nzira navashoma vanozvidzwa vaShe.
Ndatanga kufamba naJesu, uye ndiri kupfuurira mberi.

-----
Cherechedzai nzvimbo yaAkavata. Mugorara ipapo naYe. Wagadzirira here kuenda kuKarivhari mangwanani ano, sezvandakataura Svondo yapfuura? Wambocherechedza here nzvimbo muhupenyu hwako? Wakambozviunza here panzvimbo iyoyo, pakarovererwa Jesu?

Verenga zvizere nyaya...
Mudzikinuri WeHama.


Chakavanzika chaKristu.

Chirungu nhau yepamhepo webhusaiti.

Areka yaNoa.

Mwari neSainzi Index.
- Archeology.

Kubvutwa kuri kuuya.

Dzimwe dzidziso huru.

Nhau dzakanaka.
Jesu akafira zvivi zvako.

Kubhabhatidzwa Mumvura.

 

Gore rekudenga.

Shongwe yemoto.

Shekinah kubwinya kwaMwari.

Guva harina chinhu.
Iye mupenyu.

Zita raMwari.
Mwari anonzi ani?

Kurarama Shoko.

Nguva yekuguma
dzakatevedzana.

Chivi Chekutanga.
Yakanga iri apuro?

Mwari akatsanangura.

Mwari uye Nhoroondo
akatevedzana Index.

Kufamba
KwechiKristu
akatevedzana.

Rufu. Zvino ndodii?

Archeology.
Sodhoma neGomora.

  Rugwaro runoti...

Chigara hako usiku huno, uye mangwanani kana achida kudzikinura, zvakanaka, ngaadzikinure hake. Asi kana asingadi, naJehovha mupenyu ini ndichazviita. Chivata pano kusvikira mangwanani.

Rute 3:13


Dzvanya pane mufananidzo kuti utore pasi yakazara saizi kana PDF.


Acts of the Prophet

(PDFs Chirungu)

Marriage and Divorce.

(PDF Chirungu)

William Branham
Life Story.

(PDF Chirungu)

How the Angel came
to me.

(PDF Chirungu)

As the Eagle
Stireth her nest.

(PDF Chirungu)

Chapter 14
- Sabino Canyon

(PDF Chirungu)


Meseji Hub...Sarudza mutauro wako uye dhawunirodha mameseji emahara kubva kuhama Branham.