Nzvimbo Yega YaKasarudzwa NaMwari Yekunamatira.

<< yapfuura

inotevera >>

  Kurarama Shoko akatevedzana.

Dhuteronomio. Mirairo miviri.


William Branham.

Verenga zvizere nyaya...
Nzvimbo Yega YaKasarudzwa NaMwari Yekunamatira.

Dhuteronomio 16:2-4,
2 Bayira Jehovha Mwari wako chipfuwo kubva pamakwai ako kana kubva pamombe dzako sePasika panzvimbo iyo Jehovha achasarudza kuti Zita rake rigarepo.
3 Usaidya nechingwa chine mbiriso, asi kwamazuva manomwe unofanira kudya chingwa chisina mbiriso, chingwa chokutambudzika, nokuti makabuda muIjipiti muchikurumidza, kuitira kuti murangarire nguva yamakabuda kubva muIjipiti.
4 Pamazuva manomwe aya ngapasawanikwa mbiriso panyika yenyu yose. Musarega nyama yamunobayira usiku hwezuva rokutanga ichisara kusvikira mangwanani.

Zvino, shoko rokuti Dhuteronomio, shoko iroro pacharo, rinoreva kuti “mirairo miviri,” shoko rokuti Dhuteronomio. Uye Mwari Ane mirairo miviri. Mirairo miviri: mumwe wacho kusateerera Shoko, uye wofa; uye umwe wacho kuteerera Shoko, worarama. Ndiyo mirairo miviri. Uye Dhuteronomio zvinoreva mirairo miviri iyoyo. Yose yakanyatsoratidzwa kwatiri muGwaro. Umwe wacho rufu, umwe wacho hupenyu. Hupenyu nerufu. Mwari Anoshanda muhupenyu chete, Satani murufu chete. Uye izvi zvakaratidzwa pasirese pachena, pachena pamberi pemeso ese, uye hakuna chikonzero nokuda kwazvo. Umwe wacho wakaratidzwa paGomo reSinai pakapiwa murairo, wakatongera rufu kurudzi rwose rwomunhu; umwe wacho wakapiwa paGomo reKarivhari, izvo zvakaunza hupenyu kurudzi rwose rwevanhu, pakabhadharwa mutongo muna Jesu Kristu. Mirairo miviri yaDhuteronomio yakazadzikiswa muzvinhu zviviri izvi zvikuru.

Ndinoda kuti mucherechedze 'zve, kuti pakanga paine sungano mbiri dzakapiwa. Imwe sungano yakapiwa kuna Adhamu, iyo yakanga iine zvisungo, somurairo: “Kana musingabati chinhu ichi, muchararama; asi kana mukabata chinhu ichi, muchafa.” Waiva murairo. Zvino kwakava nemumwe murairo wakapiwa kuna Abrahama, wakauya nenyasha, usina zvisungo: “Ndakakuponesa iwe nembeu yako inouya shure kwako.” Ameni! Ndiwo mufananidzo weKarivhari, kwete mufananidzo wesungano yaAdhamu, isungano yaAbrahama.
Asi zvino tinoMunzwa Achitaura kuti pane nzvimbo imwe chete yaAchasangana nemunhu kuti anamate. Mazvinzwa muno muGwaro. Tichanongedza kwariri, zvakare, mumaminetsi mashoma.

Zvino kana paine nzvimbo imwe chete iyo Mwari Anosangana nomunhu, zviri nani kuti tingwarire. Zvino ngatiise parutivi tsika dzedu mangwanani ano, muchidzidzo cheSunday school ichi, uye tive nechokwadi chokuti tinoiwana nzvimbo imwe chete iyoyo. Nekuti Mwari Ataura pano kuti haAngakugamuchiriyi kune imwe nzvimbo. Chero imwe kwereke yaAsingazokugamuchirei mairi, muKereke YaKe chete, ndino munzvimbo chete yaAnokugamuchirai.
Zvino, “Mati kudii 'ko, Hama Branham? Kana ndiri pakurevesa here?” Kwete.

Rangarirai, Jesu Akataura navamwe vanhu vaiva pakurevesa, vanamati vezuva raKe, uye Akati, “MunoNdinamata pasina.” Kunamata kwechokwadi, kunobva pakadzika pemoyo yavo. “MunoNdinamata pasina, muchidzidzisa sedzidziso mirairo yavanhu,” zvitendwa zvesangano. Vakaperera, nokuremekedza, vari vanamati sezvavanokwanisa. Uye zvakanga zvisiri zvitsva kuvaFarise chete. Kaini naAbheri, vanamati vaviri vokutanga vakaberekwa, kuberekwa kwepanyama pano panyika, vakauya mumuitiro mumwe chete.

Kaini aiva munamati saAbheri. Vose vakavaka atari. Vose vaida Mwari. Vose vari vaviri vakapa zvibayiro. Vose vari vaviri vakanamata. Vose vaibvisa chegumi. Vose vakaita zvose zvakafanana. Asi Abheri, nokutenda, chinova chizaruro-chakazarurwa neShoko RaMwari, zvakajeka, zvichiratidzwa, nokusimbiswa. Girori! Kaini akapa chibayiro, asi Mwari haAna kuchisimbisa. Mwari Aida kunamatwa, uye Kaini akapa chibayiro, asi Mwari haAna kuzvichimbisa. Asi kuburikidza negwara rechokwadi....

Munoti, “Zvakanaka, kereke yangu ndiyo chaiyo. Yangu....”
Mira zvishoma. Mwari AnoZvidudzira Shoko RaKe Amene maererano nezvisungo zvaRo zvaAkataura mazviri. Maona, Kaini akati, “Ndinonamata. Ndinoda musiki wangu. Ndinopira kwaMuri atari iyi yakaisvonaka. Ndinokupirai chibayiro ichi. Ndakavaka zvinhu izvi zvose, Ishe, nokuti ndinokudai. Abheri akataura zvimwe chete 'zvo. Zvino, ndiye anosimbiswa, ndiye akasimbiswa. Zvino Mwari Akaburuka Ndokugamuchira chibayiro chaAbheri, nokuti nechizaruro akanga abata gwara rechokwadi raMwari rakagamuchirwa.

Zvino cherechedzai kuti mweya waKaini wakadzika nemuGwaro, kusvika muzuva rino rokupedzisira chaimo. Zvenheyo here? Ari wenheyo sezvaiva mumwe.
Tarisai muporofita Baramu nomuporofita Mosesi. Vose vari vaviri vaine aritari nomwe, aritari dzaJehovha, ropa richiva pane imwe neimwe; kwete izvozvo bedzi, asi makondohwe pane imwe neimwe. Mukuhwerengedzwa kwehuhwandu, nemo nemo pahuhwandu, nomwe, “kukwaniswa,” hondohwe nomwe. Zvakanyatsofanana, maritari aya maviri. Zviri zvenheyo sezviva mumwe, ndizvo zvaiva 'wo mumwe. Asi ndiani akasimbiswa naMwari? Maona? Uyu aiva muShoko RaKe. Kuva wenheyo hakuna chirevo chikuru; zvakazorora pachizaruro chaMwari.

Zvino pafunge! Varume ava, nemhaka yei vakadanwa ndokuiswa muchinhano ichoco (ivo vaFarise vaya) na Jesu, Ndokuvati, “MunoNdinamta pasina”? KuMunamata. Kunamata kwezvokwadi, kunamata kwechokwadi kunobva mumoyo yavo. “MunoNdinamata pasina.” Nei? “Munodzidzisa tsika dzavanhu sedzidziso, naizvozvo munoshaisa simba mirairo yaMwari pavanhu.”

Kana ndikaunzirai mharidzo yeMethodist, haizovo nokubata pamuri. Ino inguva yemwenga. Dai Mosesi akadzidzisa mharidzo yaNoah, hayaizova nokubata. Dai Jesu Akadzidzisa mharidzo yaMosesi, hayaizova nokubata. Nekuti mbeu yakafanootemerwa irimo umo inozongodiridzirwa nemhando yemvura yakapiwa kuitira mbeu iyoyo. Haizokuri pasi pamamwe mamiriro ezvinhu. Mamiriro akaikomberedza ndiwo anofanira kuimeresa.

----
Ndizvo zvinoita masangano. Maona? Mwari haAsi Muvambi wesangano, nokuti sangano iBabironi, uye haAsi Muvambi wenyonganyonga. Tinozviona zvese.... Haufanire kunge uine njere kuti uzvione. IBhabhironi! Tsika. Zvifungei, imi vanhu vakaperera. Zvino, zvakadaro, nokuti vanotenda izvozvo, zvichiri zvakafanira kuti pave nenzvimbo imwe yakaperera apo panosanganikwa naMwari.
Zvino cherechedzai vhesi yechipiri: “Namatai panzvimbo yaNdakasarudza.” Chibairo, chokwadi, kwavainamatira, kwavaipira. “Nzvimbo yaNdakasarudza. Kwete zvamakasarudza, zvakasarudzwa navanhu, asi izvo zvaNdakasarudza. Imi munonamatira panzvimbo ino.” Pane zvinoratidza kuti pane nzvimbo imwe chete. Zvimwe hazvina maturo. Haifaniri kunge iri yekusarudza kwako, asi inofanira kuva sarudzo yaKe.

“Zvakanaka, ini handichafanire kuenda kukereke.” Kana kuti, “Imi mune chiono chisingabatsiri! Hongu 'ka, munotopopotera madzimai pamusoro pokuparidza, kana kuti madzimai pamusoro pokugera bvudzi ravo, uye varume pamusoro pezvimwe zvinhu izvi. Hongu 'ka, mune chiono chiisingabatsiri!”
Zvakanaka, haufaniri kutora Shoko RaMwari pamusoro pazvo. Enda hako kunze uko kwavanoita saizvozvo. Maona? Uye muchaona kuti zviri muGwaro, naizvozvo, “VanoNdinamata pasina.” Jesu Akataura pamusoro pechinhu chimwe chete 'cho. Maona?

----
Ngaticherechedzei pano zvakare nzvimbo yaAkasarudza kuti chibayiro chiitwe, nzvimbo yaAkasarudza kuisa chibayiro. Haukwanisi kuchiisa pane rimwe remasuwo aya, asi nzvimbo yaAkasarudza kuti chiiswe, Akaisawo Zita RaKe panzvimbo iyoyo. Ndizvo zvaAkataura pano. Akasarudza kuisa Zita RaKe mairi. Zvino ngatinzverei MaGwaro pamusoro penzvimbo iyi, nokuti ndiyo nzvimbo yaAkaisa Zita RaKe.

Dhuteronomio 16:2,
Naizvozvo unofanira kubayira Jehovha Mwari Wako pasika, yamakwai ako nemombe dzako, panzvimbo inosarudzwa naJehovha Mwari Wako, kuti Agarise Zita RaKe 'po.

Zvino, haungatore izvi... kuperera kwako, nezvose zvaunoda kureurura, haungagoni kuzviendesa kuartari yeMethodist, kuartari yeBaptist, kuartari yePentekosti. Asi pane artari pane imwe nzvimbo yaAkasarudza kuti iYe... kuti Aise Zita RaKe mairi, uye Aizosangana newe panzvimbo iyoyo. Zvino, kana ukaita kuti zvinhu zvose zvifambe nemazvo, zvichafamba; zvinhu zvose zvakarongeka. Kana pane kugumhanha muwaya iyoyo, chiedza ichocho hachibatiri, nokuti moto urikuraswa. Kana ukatora rimwe reMaShoko aMwari kana imwe yenzvimbo dzaKe, uye mumoyo mako uine zvinangwa zveudyire, zvinonoshaisa simba kusimba raMwari ipapo. Kana ukazviita nokuti unoda kungwara, unoda kusiyana nomumwe munhu kana chimwe chinhu, ipapo rinoshaiswa simba. Zvichaputitsa katambo kemoto. Warasika. Unofanira kuuya nekuperera, nemoyo wako wese. Zvivavariro zvako nezvinangwa zvako zvakaiswa pana Mwari. Zvino tsvaga nzvimbo yaKe, tsvaga paAkataura, uuye nacho ikoko. Maona?

Hamufaniri kudya chingwa chine mbiriso mairi;...
Zvinopa mucherechedzo wei muchibairo? Usachisanganisa nechero chitendwa, Rinongofanira kuve Shoko. “Pasina chingwa chine mbiriso.” Mbiriso ndiyo.... Munoziva zviri mbiriso mune chero chinhu. “Mbiriso shoma inowodza mukanyiwa wose,” mukanyiwa wose ndiwo mutumbi. Haugoni kuisa kana kanoti n'ape kechitendwa chesangano muna Kristu. Kwete, changamire. Hazvishande.

Munorangarira mharidzo yeChina chapfuura here? Murume wako wekare anofanira kufa. Ndizvo. Murume wako mutsva iShoko.
...kwamazuva manomwe muchadya chingwa chisina mbiriso imomo,...
“Mazuva manomwe,” zvinopa mucherechedzo wei izvozvo? Huzaro hwamazera amakereke manomwe, mazuva manomwe. Nemhaka yei vaifanira kuchidya kwamazuva manomwe? Vasati vadii? Vasati vabuda. Uye zera rose rizere rekereke, kubva pakutanga kusvika pakuguma, rinofanirwa bedzi kurarama kuburikidza neShoko RaMwari Rakatairwa zera iroro. Naizvozvo chitendwa chenyu chechiRoma, Methodist, Baptist, nezvitendwa zvePentekosti zvakafa zvose.

----
Zvino cherechedza:
...imomo, kunyangwe chingwa chokudzimbikana;
(kuzvitambudzirwa; Luther, Wesley, vaPentekosti vose vakatambudzwa, sezvauchaitwawo)... nokuti munobuda kubva munyika yeEgipita nokuchimbidza:... mungasara nemuzuva iro ... rangarirai zuva ramakabuda kubva munyika yeEgipita kwamazuva ose ohupenyu hwenyu.
Uye hapazovi nechingwa chine mbiriso chingazowoneka pamuri munharaunda dzenyu dzose kwamazuva manomwe.

Uye Mwenga wakanaka WaKristu, mushure mokufa kwaKe muMazera Erima nokuda kwehutongi hwechiRoma, mukuti Akafanira kufa. “Kusiya kwetsanga yegorosi inowira muvhu....” Chikomba chaifanira kuuya, humhizha hwakakwana hwaMwari. Makanzwa maharidzo yangu yose maererano naizvozvo.

Cherechedzai, muno umu Akati:
...mazuva manomwe muchadya chingwa ichi chisina mbiriso...

Zvino, chingwa chakafananidzirwa. Jesu Akati, “Munhu haangararami nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe.” Kwete shoko nje-e pano neapo, semutendero ungadiwa namasangano kuti uzvitende nawo. Asi Shoko RaMwari Rakakwana! NdiMwari pachaKe muchimiro chetsamba, chinonzi “mbeu”. Uye rudzi chairwo rwekutenda kusina kusvibiswa muShoko iRoRo kunounza mbeu iyi kuhupenyu hwayo.

Zvino, tinocherechedza pano, “mazuva manomwe.” Ndizvo zvezera rega rega rekereke. Zvino, sezvo humhizha uhu hwaifanira kufa, kuitira kuti humutsirwe kuti hutidzikinure tose, zvino Akava nekereke yakagadzwa mugwara paPentekosti. Asi kereke iyoyo yaifanira kupfuura nemuchibayiro; uye nharaunda yechiRoma yakaiuraya, ikavaisa muvhu.

----
“Udye chingwa chisina mbiriso mazuva manomwe.”

Hapana mbiriso ichawanikwa pakati pemwenga, hapana shoko rinowedzerwa, kana chinhu. Rangarirai, shoko rimwe chete rakakonzera rufu rwose rwuri panyika. Mwana wose wehupombwe akaberekwa nokuti Evha, kereke yekutanga, mwenga waAdhama wekutanga, akapokana Shoko RaMwari ndokugamuchira zvesangano, kana zvenjere, kana zvinopesana zvechikoro; nokuti zvakafunganywa, kuti “Zvirokwazvo, Mwari NdiMwari Akanaka.” Mwari NdiMwari Akanaka, asi NdiMwari Akarurama. Tinofanira kuchengeta Shoko RaKe! Chokwadi. Akazvigamuchira.
Ndipo apo vamwe venyu imi vakomana vekuseminari, pasina kupokana mune kudanwa muhupenyu hwenyu, asi munomhanyira kune chimwe chikoro cheBhaibheri kunobairwa dzidziso iyi mamuri; uye ndipo pamunofira. Garai naMwari neShoko RaKe. Havakutenderi. Haukwanise kana kuva nhengo yeungano yavo, kana kukugamuchira papuratifomu. Naizvozvo ngavave nayo, regai vakafa vavige vakafa. Ngatitevere Kristu, Shoko.

Zvino, kwamazuva manomwe hakufaniri kuva nembiriso yakavhenganiswa nomwenga, mukereke, kwamazuva manomwe. Mucherechedze zvino: Mazuva manomwe mbiriso haifaniri kutongovonekwa pauri panyika yako yose (chibairo apa mufananidzo: mwenga unobuda muchibairo, anova Kristu);... uye hapachazovi nechinhu chero chipi zvacho chenyama, chaunobayira pazuva rokutanga manheru,...

----
..nyama,... chibairo pazuva rokutanga ...kunyange, chinosara usiku hwose kusvikira mangwanani.

Zvino, kunyange Luther, aive nechokwadi uye akadzidzisa kereke “vakarurama vachararama nokutenda,” haudi kunamatira pazviri kuva dzidziso izere muzera reMethodist. Uchaita sei? Zvipise nomoto. Yaiva mifananidziro yei? Sangano rinobuda muShoko ndiro chikwande, dzinde. Mashanga anofanira kupiswa nomoto. Chikamu ichocho chesangano chayakapinda namo hachifaniri kuramba chiripo, chinofanira kufa. Usarirega kusvikira paparurwa rimwe zera, mapise! Ari kutaura zvino nemwenga pano, mwenga chete, ari kuuya nemuzera rega rega.

Cherechedzai kunaka kwakaita, “Ropa regwayana.” Izvi ndiwo mutumbi waKristu, chibayiro, ropa regwayana riri pamukova. Zvino, rangarirai, gwayana rakabayiwa, waiva mufananidzo waKristu.

Verenga zvizere nyaya...
Nzvimbo Yega YaKasarudzwa NaMwari Yekunamatira.


Chakavanzika chaKristu.

Chirungu nhau yepamhepo webhusaiti.

Areka yaNoa.

Mwari neSainzi Index.
- Archeology.

Kubvutwa kuri kuuya.

Dzimwe dzidziso huru.

Nhau dzakanaka.
Jesu akafira zvivi zvako.

Kubhabhatidzwa Mumvura.

 

Gore rekudenga.

Shongwe yemoto.

Shekinah kubwinya kwaMwari.

Guva harina chinhu.
Iye mupenyu.

Zita raMwari.
Mwari anonzi ani?

Kurarama Shoko.

Nguva yekuguma
dzakatevedzana.

Chivi Chekutanga.
Yakanga iri apuro?

Mwari akatsanangura.

Mwari uye Nhoroondo
akatevedzana Index.

Kufamba
KwechiKristu
akatevedzana.

Rufu. Zvino ndodii?

Archeology.
Sodhoma neGomora.

  Rugwaro runoti...

Bayira Jehovha Mwari wako chipfuwo kubva pamakwai ako kana kubva pamombe dzako sePasika panzvimbo iyo Jehovha achasarudza kuti Zita rake rigarepo.

Dhuteronomio 16:2


Dzvanya pane mufananidzo kuti utore pasi yakazara saizi kana PDF.


Acts of the Prophet

(PDFs Chirungu)

Chapter 11
- The Cloud.

(PDF Chirungu)
 

William Branham
Life Story.

(PDF Chirungu)

How the Angel came
to me.
(PDF Chirungu)

As the Eagle
Stireth her nest.

(PDF Chirungu)

Chapter 14
- Sabino Canyon

(PDF Chirungu)

Mwari
AnoZvidudzira
Shoko RaKe
Amene maererano
nezvisungo zvaRo
zvaAkataura
mazviri.



Meseji Hub...Sarudza mutauro wako uye dhawunirodha mameseji emahara kubva kuhama Branham.