Sefa yemunhu anofunga.

<< yapfuura

inotevera >>

  Kufamba KwechiKristu akatevedzana.

Sefa yenharaunda dzekunamata.


William Branham.

Verenga zvizere nyaya...
Sefa yemunhu anofunga.

Numeri 19:9,
9 Zvino murume acheneswa anofanira kuunganidza madota etsiru, ndokuaisa kunze kwemusasa panzvimbo yakanaka, uye achachengeterwa ungano [Cherechedzai zvino] kuitira ungano yevana vaIsraeri nokuda kwemvura yokunatsa; kunatswa kwechivi.

Chidzidzo chandiri kushandisa manheru ano chinoti Sefa Yemunhu Anofunga. Izvi zvinonzwika sezvingapfuurira mwero pachidzidzo chemushumiri anopikisa kuputa fodya, angatora chinyorwa chakadaro: Sefa yeMunhu Anofunga.

Zvakazoitika kuti mamwe mangwanani pandakaenda kunovhima tsindi, kuti... Imi vanhu vari paredhiyo... pamhepo... Kana kuti vari pasaisai renhare mungadai maona zvaita chiso cheungano pandazivisa chidzidzo changu, mungadai masetswa nazvo: Sefa Yemunhu Anofunga.

Hongu, zvakaitika apo vatumwa vaShe vakazviratidza kwandiri mamwe mangwanani, uye tsindi dzikataurwa kuti dzivepo. Imi mose munorangarira pazvakaitika. Uyezve pamusoro pechikomo chandakanga ndimire ndisati ndaparidza mazera manomwe emakereke, ndichienda kunovhima mamwe mangwanani kusati kwaedza, pakamira... Ndakafunga kuti zuva rakanga richibuda, dzinenge 4 kiroko mangwanani. Zvisina kujairika... Ndakaona chiedza chiya, ndikacheuka, ndikaona pakamira zvigadziko zvemwenje zvendarama zvinomwe, zvakamira pamusoro pechikomo, zvakaita somuraraungu uchikwira nepapombi uchipa chiedza.

Pakarepo shure kwaizvozvo, Ishe Jesu Akazviratidza kwatiri, uye pakarepo ndakanzwa inzwi richiti, “Jehovha WeTestamente Yekare NdiJesu WeItsva.” Uye ipapo Akazozarurwa mushure menguva mushure mezvigadziko zvemwenje zvendarama zvinomwe. Zvino cherechedza izvozvo. Vangani vanorangarira chidzidzo ichi? Ndakachinyora kuseri kwebhokisi remambumburi randakanga ndinaro muhomwe yangu, “Jehovha WeTestamente Yekare NdiJesu WeItsva.” Mwari Ari kudenga Anoziva kuti chaiva chokwadi.

----
Ndaiverenga mubhuku raDanieri, paakauya kuMutana WaMazera, Webvudzi rakanga rakachena sedonje. Ipapo ndakaona kuti Mutana WaMazera uYu; Aive Mutana WaMazera, Asingashanduki zuro, nhasi, uye nekusingaperi. Ndakaona waive mufananidzo. Naizvozvo nemhaka yei donje jena? Uye ipapo Mweya Mutsvene Akaiita sekutaura neni nezve pikicha yandakaona imwe nguva yemutongi wedare wekare. Ipapo ndakadzokera kunhoroondo; Ndakadzokera kunhoroondo yeBhaibheri nazvose kuti ndizive. Uye vatongi vekare somupristi mukuru pakati pavaIsraeri, aifanirwa kuve nebvudzi nendebvu chena, zvakachena zvichiita sedonje, nekuti zvichena pamusoro wake zvairatidza kuti aive nesimba guru revatongi muIsraeri. Uye kunyangwe nhasi uye kusvika makore mazana mashoma apfuura-zvichida mazana akati kuti emakore apfuura kana kuti zvichida zvisina kuita saizvozvo, angava manje manje kupinda izvozvo-nevatongi vose veChirungu, zvisinei nekuti vaive vadiki sei, kana vaipinda kuzotonga, vaipfeka nguo yomumusoro chena kuratidza kuti hakuchina rimwe simba muhumambo ihwohwo raidarika shoko ravo. Shoko ravo ndiyo mhedziso yeHumambo. Zvavanotaura, ndizvo mhedziso. Zvino, ndakaona kuti Wakange Amire ipapo, asi Achiva murume wechidiki, asi Aine nguo chena yomumusoro. Aive iYe huzaro, hwemasimba makuru; Aive Shoko. Uye Akapfeka nguo chena yomumusoro.

Zvino gare gare patakapedza uye-mharidzo-ndokuenda kumadokero, uye vatumwa vaShe vachionekwa kunze uko kuitira zvisimbiso zvinomwe, uye vakakwira mudenga (nemufananidzo wayo pano watiinawo uye kutenderera pasi rino renyika rose), ipapo Aiva Amirepo Achiine nguo yesimba guru. NdiYe Musoro weKereke. Iye musoro wemutumbi. Hapana chakafanana naYe chero kupi. Akazvisikira zvinhu zvese pachaKe; Akazvisikira zvinhu zvese kuitira iYe pachaKe; pasina iYe hakuna chaizosikwa. NdiYe masimba ese ari kumatenga nepasi, uye zvese ndezvaKe. Uye maAri Munogara kuzara kwehuMwari mumutumbi. Uye Shoko Rakanga RiRi Mwari uye Rakaitwa nyama pakati pedu, uye NdiYe Akazarura zvakavanzika zvese zvehurongwa hwese hweruponeso hwakataurwa nezvahwo navaporofita vese nevarume vouchenjeri. Iye Ega NdiYe Aive nenguo yomumusoro nesimba guru.

Zvino, ini ndakanga ndamira pachikomo mamwe mangwanani; zvaitaridzika sekuita paive netsindi dzaifura neipapo. Uye ndakatanga kugara pasi. Uye ini ndakanga ndangove ipapo kwechinguvana pakauya mumwe muchinda mukuru kwazvo aive nezipfuti remipong'oro miviri akauya achibuda kubva mumakwenzi ipapo, uye zvakada kundivhundutsa. Ndakaenderera mberi, ndokugara pasi nokuchimbidza. Ndakatya kufamba, ndichitya kuti aizondipfura-nekuda kwemakwenzi aifamba-naizvozvo ndakaramba ndigere ipapo.

Tsindi yakamhanya nepamusoro pechikomo, uye akaisa mbumburi mumipong'oro yose yaaive nayo naizvozvo... Akaipotsa. Uyewozve tsindi yakaburukira mhiri kwechikomo, uye ndakafunga, “Zvino, ndichatiza, ruzha rwese rwuchiungira. Pfuti yake haichisina mbumburi.” Uye ini ndakatanga kudzika chikomo, uye muchinda uyu akapfura pamberi pangu chaipo. Zvakandidzosera kumashure nenzira iyi, uye ndakatanga kufamba ndichidzika neimwe nzira, uye pfuti ye.22 yakarira. Uye mbumburi dzichimveya nepamusoro pangu; Ndakati, “Hongu 'ka, ndapinda pakamanikana.”

Naizvozvo ndakatendeuka ndokudzika nerwizi, ndikafunga kuti, “Ndichaenda kuno uku ndichihwanda kusvikira vapedza kuti ndigobuda.” Uye munzira yekudzika, ndakaita sendinokwezvwa.... Ndakakwezvekana kuti nditarise kurudyi kwangu, uye pandakatarisa, paiva nepakiti yefodya isina chinhu yakanga yakandirwa pasi noumwe wavo mukumhanyidzana kwose kwe... tsindi zvadzakanga dzichipfuura nemumakwenzi.

Ndakatarisa pasi pairi. Handina kuinhonga, nekuti ini handifarire kunhuhwa kwezvinhu izvozvo. Uye ndakatarisa pasi ipapo, uye ndeimwe kambani yefodya iyo yandinofunga kuti handifanire kudaidza zita rayo, asi muchaiziva. Yakataura ipapo, “Sefa yemunhu anofunga uye kuravira kwemunhu anoputa.” Ndakatarisa chinhu ichocho, uye ndakafunga kuti, “Sefa yemunhu anofunga!” Ndakafunga kuti, “Dai munhu uyu achigona kufunga zvachose, aisazoputa zvachose. Ingagova sei 'sefa yemunhu anofunga'? Munhu anofunga haangaputi zvachose.” Zvakanaka.

----
Ndakachitarisa, uye ndikazvifunga, “Zvakkada kuita seizvi, iwo masangano nhasi, makereke atiinawo.” Imwe neimwe yawoo ine sefa yayo; ane mhando yadzo yesefa. Anotendera chero chavangada kuti chipinde uye nezvekusapinza, zvavanosefa zvichipinda nezvinosefwa zvichibuda nemhando yadzo yesefa. Vanongotendedza udzamu hwenyika kuti hupinde hugopa gutsikano kune vasingatendi vari imomo. Vanovagamuchira zvisinei kuti ndivana ani chero vaine mari. Vanovagamuchira zvisinei nezvavari kana vaine mukurumbira. Asi pane chimwe chinhu pamusoro pazvo: haukwanisi kupinda mukereke yaMwari seizvozvo-kwete sangano zvino-ndinoreva kereke yechokwadi yaMwari.

----
Vanhu, vanoziva zvavanoda. Naizvozvoo kana vachifanira kuwana zvavanoda, zvino vanofanira kuve neimwe mhando yesefa uye udzamu hwakakwana hwekutaura kwenyika hunoseferwa mukati kuti vagutse ravidzo yavo yenyika. “Sefa yemunhu anofunga, ravidzo yomunhu anoputa, kana kuti sefa yenharaunda dzekunamata, uye ravidzo dzomunhu wenyika.”

Vanoda kuva vanamati. Vanofunga kuti vannoda kuve vanamati, nekuti vane munhu wemukati. Patakauya kutanga munyika ino, takawana maIndia achinamata zuva nezvakadaro. Nekuda kwei? Munhu. Tikadzokera kumasango makuru eAfrica; tinonowana vagari veko vvachinamata chimwe chinhu. Nei? Vanhu, uye vanofanira kunamata.
Naizvozvo munhu, zvisinei nokuti akawa sei, anoziva kuti pane chimwe chinhu kune imwe nzvimbo, asi ane nyota nenyika yaasingagoni kusefa nesefa chaiyo. Anotofanira kuve nesefa yaakagadzira omene. Mumwe nomumwe achigadzira sefa yake pachake.

----
Cherechedzai, muna Numeri 19 (ndinoda kuti muiverenge kana mava nenguva yakawanda), cherechedzai, vaIsraeri pavakatadza, chokutanga vakatora tsiru dzvuku rakanga risina kumbova nejoko pamutsipa waro. Zvinoreva kuti harina kumbobvira rakasungwa pajoko nechero chinhu. Uye raifanira kuva dzvuku. Ruvara rutsvuku ruvara rweyananiso. Munoziva here kuti sainzi inoziva kuti kana ukatora chitsvuku uye ukachitarisa kubva muchitsvuku, chinova chichena? Tarisa chitsvuku kuburikidza nechitsvuku, chinova chichena. Anotarisa nemuropa dzvuku raShe Jesu uye zvivi zvedu zvitsvuku zvinova zvakachena sechando-chitsvuku nemuchitsvuku. Zvino tsiru raiurawa nenguva dzamanheru neungano yose yaIsraeri, uye pakaiswa mitsetse minomwe yeropa raro pamusuwo apo ungano yose yaifanira kupinda napo: mufananidzo wemazera manomwe emakereke kuburikidza neropa.

Ipapo mutumbi waro waitorwa wopiswa. Raipiswa namahwanda, nedehwe, noura, pamwechete nendove. Zvinhu zvose zvaipiswa pamwe chete, uye zvaifanira kunhongwa nemurume akachena uye zvaifanira kuiswa panzvimbo yakachena kunze kweungano. Nokudaro, dai Israeri yaingokwanisa kuona mufananidzo, Shoko RaMwari iRi haRifaniri kubatwa nemaoko akasviba okusatenda. Anofanira kuva munhu akachena; uye kana akachena, aitofanira kusefwa nemusefa yaMwari. Murume akachena, maoko akachena! Uye zvaifanira kuchengetwa munzvimbo yakachena, kwete nzvimbo inobatwa navanaJezebheri navanaRicky navose... vachidya chirairo nezvimwe, ivo vachisasana nemadzimai, nevarume, nemhando dzose dzetsvina, vachienda kundodhanza nekuva nemabiko, nokuva nevhudzi rakagerwa nezvikabudura, nezvimwe zvose, uye vozviti MaKristu. Zvinofanira kuchengetwa panzvimbo yakachena uye zvobatwa nemaoko akachena. Zvino vaIsraeri pavakatadza uye vaona kuti vakanga vaita zvakaipa, vaimwayiwa namadota etsiru iri pamusoro pavo, uye yakanga iri mvura yokunatsa, yokunatsa nayo chivi.

Tarirai, hezvinoi zviri pano! Zvino Israeri, vasati vapinda mukuyanana nemukunamata, vaifanira kutanga vapfuura nemumvura dzokupatsanurwa- kururamiswa ne...Kutenda kunouya nokunzwa; kunzwa Shoko. Zvino vaipinda muungano pasi pemitsara minomwe iyoyo, yeropa, kuratidza kuti chimwe chinhu chakanga chafa uye chaiva pamberi pavo nokuda kwechivi chavo. Vakapatsanurwa nekunzwa Shoko, mvura dzepatsanuro, ndokuzopinda mukuyanana.

Nzvimbo bedzi Mwari Aisangana nomunhu yaiva seri kwehurongwa uhu. Hapana kumwe kwaAizosangana naye. Aifanira kuuya seri kwehurongwa ihwohwo. Mwari Aingosangana neIsraeri panzvimbo imwe chete. Uye Mwari Anosangana newe nhasi panzvimbo imwe chete; ndimo muna Jesu Kristu. Uye iYe iShoko, mvura dzepatsanuro. Uye Ropa RaKe Rakadeurwa kwemazera manomwe ose emakereke, zvino noMweya Mutsvene tinopinda mukuyanana ikoko, kunongopiwa kukereke. O, Mukuru sei!

Uye zvino tinoda kutarisa pana VaEfeso 5:26. Yakati kugezwa kwemvura neShoko, mvura dzepatsanuro. Dzinoitei? Zvino sefa yaMwari iShoko. Mvura dzepatsanuro- kugezwa kwemvura dzepatsanuro neShoko, sefa yaMwari.

Zvino haugone kupinda muna Kristu nemusefa yekereke. Haukwanise kuuya nesefa yesangano kana sefa yezvitendwa. Pane sefa imwe chete yaunogona kupinda munzvimbo tsvene iyoyo; Ndiko kubudikidza nokushambidzwa nemvura dzeShoko. Shoko RaMwari isefa yemunhu anofunga.

Kereke ichakutonga pano kuti uri nhengo yakanaka here kana kuti kwete. Vachakuradzika zvakanaka nemureza wakaremberera pakati pomutanda pakufa kwako, yotumira maruva makuru emaruva, nekukuitira zvose; asi kana zvasvika kumunhu wako wemukati akatarisana naMwari, unofanira kuva nehupenyu husingaperi! Uye kana huri hupenyu husingaperi, chikamu cheShoko. Uye seshoko rangu pachangu risingagoni kuramba... ruoko rwangu pachangu harugoni kuramba ruoko rwangu... Maziso angu pachangu haarambi ruoko rwangu, kana tsoka yangu, kana chigunwe changu, kana chimwe chikamu changu. Hachigoni kuzviramba, uye kana munhu ari chikamu cheShoko RaMwari, kana mudzimai, haangarambe chikamu chimwe cheShoko RaMwari. Zvino, madzimai, paunofunga kuti unogona kuva nevhudzi rakagerwa wouya muHupo HwaMwari, wakarasika! Mazviona here? Wakarasika. Haugoni kuuya nemusefa yaMwari kwawakasukwa nemvura yeShoko. Unobva wapinda mukuyanana. Unofunga kuti uri, asi haugoni kuva kusvikira wauya nemuShoko. Uye kavara kadiki kese, shoko duku rose raMwari... “Munhu haangararami nechingwa chete asi neshoko rose.” Zvinofanira kusefwa nemusefa- zvichisefwa. Zvinopa kuravira kwemunhu akarurama, nokuti ndizvo zvaari kutsvaga, achitsvaka chimwe chinhu chinomuchenesa.

Shoko, Shoko RaMwari isefa yomunhu anofunga, uye rinopa kuravira kwomunhu akarurama. Tinoziva kuti ichokwadi. Rinosefera kunze zvivi zvose zvekusatenda. Hapasisina kusatenda kana wasefwa nemusefa, nekuti kuravira kwemutendi wechokwadi.

Mutendi wechokwadi anoda kururama zvisinei. Haangodi kuti, “Zvakanaka, ndiri nhengo yezvemagariro evanhu. Ndinopinda kereke, kereke hurusa muguta.” Handinei nokuti imishoni pakona, kana iri chiteshi chezvikepe pane imwe nzvimbo, munhu anofunga anoziva kuti anofanira kusangana naMwari. Uye zvisinei nezvinotaurwa nekereke kana ani zvake, anofanira kuuya maererano nezvinodiwa naMwari. Zvino zvinodiwa naMwari iShoko RaMwari.

“Zvakanaka,” ivo vanoti, “IShoko RaMwari!” Chokwadi, vose vanotenda kuti iShoko RaMwari, asi unogona kusefwa here? Ucharega sei mudzimai akagerwa vhudzi achisefwa? Uchazviita sei? Muchaita sei kuti munhu asefwe neuko kweunoda kutsigira dzidziso iyi, maona? Hakusi kuravira kwemunhu anofunga. Kwete! Munhu anofunga achafunga... munhu anofunga anozofunga kaviri asati asvetukira mune chinhu chakadaro.

Cherechedzai, Shoko iRoRo haRigoni kuzviramba pachaRo. Ipapo raviro inogutswa- kana kuti chishuvo. Chishuwo chei? Chii chakaita kuti uzvishuve pakutanga? Nokuti mukati momunhu wako womukati maiva nembeu yakafanotemerwa yaiva Hupenyu Husingaperi, yaigara iri imomo- yaigara irimo. “Vose vaNdakapiwa naBaba vachauya kwaNdiRi. Hapana kana mumwe wavo acharasika.”

“Kuravira kwemunhu anofunga.” Kana munhu anofunga akanzwa Shoko RaMwari, “Makwai aNgu anonzwa inzwi raNgu, haangateveri mweni,”... Nokuti mukati umo mune hupenyu, uye hupenyu hunobatana nehupenyu. Chivi chinobatana nechivi, uye chivi chinonyengera kusvikira chinofunga kuti chakaponeswa asi chisina kuponeswa. Chiri mukati mehunyengeri chaihwo.

Verenga zvizere nyaya...
Sefa yemunhu anofunga.


Chakavanzika chaKristu.

Chirungu nhau yepamhepo webhusaiti.

Areka yaNoa.

Mwari neSainzi Index.
- Archeology.

Kubvutwa kuri kuuya.

Dzimwe dzidziso huru.

Nhau dzakanaka.
Jesu akafira zvivi zvako.

Kubhabhatidzwa Mumvura.

 

Gore rekudenga.

Shongwe yemoto.

Shekinah kubwinya kwaMwari.

Guva harina chinhu.
Iye mupenyu.

Zita raMwari.
Mwari anonzi ani?

Kurarama Shoko.

Nguva yekuguma
dzakatevedzana.

Chivi Chekutanga.
Yakanga iri apuro?

Mwari akatsanangura.

Mwari uye Nhoroondo
akatevedzana Index.

Kufamba
KwechiKristu
akatevedzana.

Rufu. Zvino ndodii?

Archeology.
Sodhoma neGomora.

  Rugwaro runoti...

Varume, idai vakadzi venyu, saKristu akada kereke uye akazvipa nokuda kwayo

kuti aiite tsvene, akaishambidza nokushambidza kwemvura neshoko,

uye kuti ayiuyise kwaari sekereke inobwinya, isina gwapa kana kuunyana kana chipi zvacho chainopomerwa.

VaEfeso 5:25-27


Dzvanya pane mufananidzo kuti utore pasi yakazara saizi kana PDF.


Acts of the Prophet

(PDFs Chirungu)

Chapter 11
- The Cloud

(PDF Chirungu)
 

William Branham
Life Story.

(PDF Chirungu)

How the Angel came
to me.

(PDF Chirungu)



Meseji Hub...Sarudza mutauro wako uye dhawunirodha mameseji emahara kubva kuhama Branham.