Mharidzo yemavirazuva.

<< yapfuura


  Nguva yekuguma dzakatevedzana.

Gomo reMavirazuva.


William Branham.

Verenga zvizere nyaya...
Chiiko chinokwezva meso paGomo?

Nguva pfupi yadarika, ndimire papuripeti ino, zvakanzi NaMweya Mutsvene, “Zuva richasvika rokuti kana vorovera hoko vachidzika nemberi kwemba yako; vachasudurutsa suwo. Saka, izvozvo, uchazvinyenyeredza, kuti usagumbuka.” Ndakaona suwo rangu richiputswa uye rakaradzikwa kurutivi pachikomo. Ndakaona chikomomberi kwangu, chagumurwa, zvivakiso uye nezvimwe zvakaradzikwa 'po pazvakanga zvatswanyiwa nechimwe chinhu. Iye Ndokuti... Ndakatarira, uye heuno Ricky muduku akanga auya ipapo uye awisa suwo, nokuita chinhu ichi. Ndakati, “Nemhaka yei usina kundiudza?” Iye ndokubva achenama, uye ndokumurova. Uye pazvakadaro, ndakati, “Handisati ndaita chinhu chakadai kubva zvandaiva wetsiva, asi ndinoda bedzi kuti uzive,” uye ndokumukanda chimwechete. Uye pandakamuwisira pasi, ndakamusimudza 'zve uye ndokumuwisa 'zve nokumurova. Ndakamusimudza, rutatu kana runa, ndokumukavira mhiri kwechikomo. Saka ipapo ndakaenda mhiri ikoko, uye ndokuti, “Hazvina kunaka izvo.” Uye ndokumusimudza uye ndokukwazisa ruoko rwake, ini ndokuti, “Handina kukugumbukira, asi ndinongoda uzive bedzi kuti haugoni kutaura neni nenzira yakadaro.” Uyewo ipapo pandakatendeuka uye ndokudzoka, Mweya Mutsvene Akange Amire pasuwo, Ndokuti, “Zvino nyenyeredza chinhu ichi. Panoroverwa hoko pasi ichidzika, enda kumavirira.”
Bhuku Iyi, Ndiyo zvose zvandinoda,
Bhuku Iyi Ndiyo Mufambisirwo wezvinhu wakanaka,
(Iyo nzira inoratidza kwekupota nako padambudziko rangu.)
Ameni! Uyewo Bhuku Iyi Ndiyo Shoko RaMwari, uye Shoko Iri Ndiye Mwari. Nyenyeredza matambudziko ako, Rinokuudza zvokuita.

Makore matatu apfuura ndakanzwa shamwari yangu, savheya weguta, anogara zasi kwenzira pedo neni, achirovera hoko pasi. Ndakaenda kunze ikoko uye ndikati, “Ko zvadiiko, Mud?” Mwanakomana waVaKing, shamwari yangu pachangu.
Ndokuti, “Bill, vachatambanudza mugwagwa uno.”
Mose munozvirangarira. Ndakati, “Zvichida rinenge riri zambuko.” Ndakaudza Hama Wood, ndikati, “Chengetai yadhi yenyu. Zvichida zambuko richapfuura nepano, kana zvimwe.” Nzira yakatsemurwa; zvitinha, mabwe, ndokupidigura zvose. Saka ivo vakati... Ndakati, “Chengetedzai yadhi yenyu.” Zvino pandakanga... VaKing vakandiudza zvaizoitika. Ndakapinda mumba, ndokuti kumudzimai wangu aiva agere apo, “Mudiwa, pane zvakanyorwa pamusoro pazvo. I ZVANZI NAJEHOVHA, pane imwe mzvimbo.”

Ndakapinda mukati uye ndokutora bhuku yangu, ndokutarira mairi, uye yaiti, “Zvichaitika kuti...” Makore masere mberi!
Pandakazvitarira, ndakati, “Yasvika nguva zvino, Mudiwa,tinofanira kunanga mavirira.”
Mazuva maviri mushure mezvo, ndimire mumba panguva dzingava dzegumi mamwe mangwanani, ndakapinda MuMweya WaMwari. Ndakaona muunganidzwa muduku uya wenjiva dzichibhuruka, ndokutarira shiri duku idzi. Munozvirangarira. Ndakaona Vatumwa vanomwe vari muchimiro chepiramidhi, dzichiuya nokumhanya kwandiri. Ndokuti, “Chinanga kumavirira, enda kuTucson, uchava uri mamaera makumi mana kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva. Uye uchange uchibvisa tsine,” kana kuti chinama, sokudaidza kwavo ikoko, “kubva pambatya dzako.”

Hama Fred Sothmann, vagere apo vakanditarira ikozvino, vakanga varipo mangwanani iwayo. Ndakanga ndazvikanganwa.
Ndakati, “Kutinhira kwakadzutuka sekundengendeka kwenyika, kwakazunguza potse-potse zvose zvaiva muruwa urwu. Handioni chikonzero chokuti munhu angararama mushure mezvizvi.” Ndakabatwa nokutya. Ndakamira paPheonix, imi mose vakateerera manheru ano ndipupurirei. Ndakaparidza pamusoropemharidzo, Madzichangamire, Inguvai Ino? “Tambova papi?” Ndakaenda kumavirira. Vazhinji venyu pano munayo tepi iyi, vazhinji venyu makanzwa zvichitaurwa, gore kana kupfuura zvisati zvaitika izvi.

Ndakaenda kumavirira, ndichinetseka kuti chii chaizoitika. Rimwe zuva ndakadanwa Nashe. Ndakaudza mudzimai wangu, ndikati, “Mudiwa, ndino... zvichida basa rangu raguma.” Ndakanga ndisingazivi. Ndakati, “Ndino...Mwari, Mwari zvichida Apedza neni zvino uye ndichange ndoenda Kumusha. Zvino iwe chienda urangane naBilly, ugotora vana. Mwari Achakugadzirira nzira, neimwe nzira. Enda mberi uye urarame zvakatendeka kuna Mwari. Ugoona kuti vana vapedza chikoro, uvarere mukuraira kwaMwari.”
Mudzimai ndokuti, “Bill, iwe hau-hausati waziva kuti ichokwadi here.”
Ndikati, “Kwete. Asi hakuna munhu anagararama mushure meizvi.”
Mamwe mangwanani Ishe Akandimutsa, Akati, “Kwidza uko kuSabino Canyon.” Ndakatora chimedu chebepa pamwe neBhaibheri rangu.
Mudzimai wangu ndokuti, “Urikuendepi?”
Ndakati, “Handizivi. Ndinokuudza kana ndadzoka.”

Ndakakwidza kupinda mumakomo, ndokukwidza ikoko kwaiva nezvapungu zvaibhururuka kwosekwose. Ndaitarira zvangu dzimwe nhoro dzimire apo. Ndakapfugama kuti ndinamate, uye ndokusimudza maoko angu, uye Munondo ndokupinda muruoko rwangu. Ndakatarira kwose-kwose. Ndokufunga, “Chiiko ichi? Handina kurasika njere. Hewo Munondo iwoyo uri muruoko rwangu; uchipenya, nokuvaimira, nokubwinya muzuva.” Ndakati, “Zvino hakuna vanhu vangawanikwa kuno pedo kusiya kwamaera kubva pandiri, mumusoro kwazvo mumakomo aya. Ko chingadai chabvepi ichi?”
Ndakanzwa Inzwi, Rikati, “Ndiwo Munondo WaMambo.” Ndakati, “Mambo anogadza munhu nemunondo.”
Iye, Inzwi, Rakadzoka, Ndokuti, “Kwete munondo wamambo muduku, asi, ‘Munondo WaMambo Mukuru’, Iro Shoko RaShe.” Ndokuti, “Usatya hako. Kudhonza kweTatu bedzi. Ndiko kusimbiswa kweshumiro yako.”

Ndaienda kunovhima neimwe shamwari, ndisina kuziva zvaizoitika. Uye mumwe munhu akandidana, uya akanga andishoropodza pamusoro pomufananidzo weMutumwa WaShe, uya akautora. Ndaifanira kuenda kuHouston nechikonzero chomwanakomana wake, nekuti akanga otongerwa rufu uye aizourawa mumazuva mashomanana. Uye akasangana neni imomo uye ndokundimbundira, akati, “Zvifungei, murume mumwechete wandakashoropodza auya kuzonunura mwanakomana wangu!” Boka rinoona nezve kugarisana kwakana kwavanhu rakandipa chavanoti chitupa cheOscar, kana kuti chezvipi hazvo zvamunochidaidza, nokuda kwekununura hupenyu.

Zvino takabva tadzokera, ndakakwidza gomo kunovhima. Imomo, Hama Fred pamwe neni, mamwe mangwanani pandakafamba ndichibuda, nda-ndakanga ndawana kare nguruve yangu yomusangu, uye ndakanga ndatarira ndikaona nzvimbo yadzakanga dzaenda. Ndakati, “Hama Fred, muende mhiri kwegomo mangwanani-ngwanani zvino, mambakwedza, uye ini ndichaenda kune rumwe rutivi. Handizopfuri nguruve, handizoiurayi. Asi kana dzikamhanyira kurutivi urwu, danga radzo iri, ndichangopfura nechemberi kwadzo kudzitinha dzidzokere ikoko.”

Hama Fred vakaenda kunze ikoko uye kwakanga kusina nguruve. Vakandisimudzira ruoko uye ndikazviona. Ndakadzika mugomo, mumipata mikuru, zuva rakanga richingotanga kubuda. Ndakauya nekurutivi rwumwe rwegomo, ndisina chandaifunga pamusoro pezviporofita. Ndokugara pasi, ndakamirira, ndichizororora; ndakafunga, “Zvakafamba sei nenguruve dziya?”
Ndakatora... Ndokugara pasi sezvinoita vechiIndian, munoziva, vakaturika gumbo pamusoro perimwe. Ndakatarira pagumbo rehovhorosi yangu, uye paiva nechinama. Ndakachidzura. Uye ndikati, “Chishamiso ichi! Hezvo ndiri pano, pangaita mamaera makumi mana kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweTucson. Uko ndiko kune mukomana wangu muduku Josefa akandimirira.” Uye ndakatanga kutarira, ndokuona danga iroro renguruve richibuda pachinhambwe chingaita mayadhi chiuru kubva pandaiva, kumusoro mugomo, ndakakandira chinama change pasi. Ndikati, “Ndichadzibata. Ndichanotora Hama Fred, uye ndicharembedza kapepa kuitira kuti ndigoziva kwekunanga nako, pamuti uyu wemurenje, uye ndonotora Hama Fred.”
Zvino ndakatanga kukwidza gomo, ndichimhanya nokukwanisa kwangu kwose ndiri kune rumwe rutivi. Ipapo-ipapo, ndakafunga kuti pane andipfura. Handisati ndambonzwa kutinhira kwakadaro; kwakazunguza ruwa rwose. Uye, pazvakadaro, mberi kwangu kwakanga kumire Vatumwa vanomwe mumuungano.

Ndakasangana neHama Fred uye nevamwe, kangufa kapfupi mushure mezvo. Vakati, “Changa chiri chiiko?”
Ndikati, “Changa chiri chiya-chiya.”
“Zvino muchaita zvokudii?”
“Kudzokera kumba. Nekuti, ZVANZI NAJEHOVHA, zvakavanzika zvinomwe zvanga zvakavanzwa muBhaibheri kwamakore ose awa, masangano ose awa uye nezvimwe zvose, Mwari Achatizarurira zvakavanzika izvozvo zvinomwe zviri muZvisimbiso Zvinomwe.”
Pakava nedenderedzwa iroro raisimuka kubva pasi, richiita semhute inoungana. PaRakadaro, Rakakwidza mugomo, ndokutenderera Rakananga kumavirira, nenzira yaRakanga Rabva nayo. Sainzi yakazoRiona mushure mechinguva, mamaera makumi matatu kunda mudenga uye makumi maviri namashanu kupamhamha, saizvozvo chaizvo Riri denderedzwa repiramidhi.

Uye nerimwe zuva, ndimire ipapo, ndokutenderedza mufananidzo kuenda kurudyi, uye Heuno Jesu muchimiro chaAive nacho muMazera Manomwe eMakereke, Akapfeka nguwo chena, zvichiratidza HuSamasimba hwoHuMwari. Iye Ndiye Alpha naOmega; Ndiye Wokutanga uye Nokuguma; Ndiye mutongi Mukuru weZienda-nakuenda rose, Amire ipapo kutsigira Mharidzo yenguva ino. Uye kuchava neChiedza munguva dzamanheru! Zvinhu zvose izvi zvimbori zvei? Chaiva Chiiko?

Ndakaenda kumavirira. Pagomo rimwechete 'ro, ndichikwidza neikoko naBanks Wood, Akati, “Kana dombo mudenga. Uti kuna VaWood, ‘ZVANZI NAJEHOVHA, muchaona Kubwinya KwaMwari.’”
Zuva rakatevera, ndimire ipapo,chamupupuri chakaburuka uye chikavhuvhuta makomo kwazvo.
Mabwe achigura pamusoro pemiti, zvichida mafiti angava matatu kana mana pamusoro pemusoro wangu. Ndokutinhira rutatu rwakakura, uye hama dzikayambukira dzichimhanya. Paiva navarume vangaita gumi navashanu ipapo, vaparidzi navamwe vose. “Chii ichi?” Iye ndokuti, “Chii ichi?”
Ndikati, “Kutongwa kurikurova Nharaunda dzeMavirira.”

Angava mazuva maviri mushure mezvizvi, kundengendeka kwenyika kwakapotsa kwanyudza Alaska. Chiedza Ichi ndeChipiko pamusoro peGomo Sunset muCoronado Forest kuArizona? Chiiko Chinhu chinoshamisa Ichi Chakaitika kumusoro ikoko, zvekuti vanhu vari kutyaira kuenda kumabvazuva vachibva kumavirira, vachinhonga mabwe akamwararidzwa paChakarova? Uyewo rimwe nerimwe rawo, ibwe rogaroga, rina makona matatu pariri, akatsemurwa Nacho. (Zvitatu Izvi NdeMumwechete) Aripo pamatafura, uye napamapepa anoera, munyika yose. Chiiko Chinhu Chinoshamiso Ichi pamusoro peGomo Sunset riri muCoronado Forest?

Junior Jackson akateerera ikozvino, munorangarira here hope dzaakarota uye ndikadudzira, “ndichienda ndakananga kunovira nezuva”? Uyewo izvi zvakaitika paGomo “reMavirazuva”. Inguva yamanheru, nguva yekuvira kwezuva. Mharidzo yemavirazuva kuburikidza nokunyorwa kwenhoroondo, kumisikidzwa kwechiporofita, ndinoda kudaro, chichizadziswa. Uyewo kuchava neChiedza munguva dzamanheru, pamusoro peGomo Sunset muCoronado Forest, mamaera makumi mana kuchamhembe kweTucson. Torai mepu uye mutarire kana Gomo Sunset riripo. Ndipo chaipo pazvakaitikira. Handina kuziva nezvazvo dakara nomumwe musi.

Chose chisinga... Chisingafi. Chinoramba chichiZvibhedhenura. Kubva mukuitika Kwacho, kundosvika mukuva mufananidzo waJesu Akamira Akatitarira; uyewo nemo-nemo paGomo Sunset, uye neChiedza Chamavirazuva. Chiedza chamanheru Chauya, Mwari AchiZvisimbisa Pachake. Chiiko Ichi? Inhaurwa dzinobatika kuti Mwari NaKristu Ndevamwechete. “Chichena,” vangani vakachiona, nguwo chena mumusoro Wake, sokutaura kwedu muna Zvakazarurwa !? Maona, HuMwari HwaPamusoro-soro, Simba Rapamusoro-soro; hakuna rimwe inzwi, hakuna umwe mwari, hakuna kana nechipi zvacho! “MaAri munogara huzaro HwoHuMwari mumutumbi.” Vatumwa Ava Pachavo Ndivo Vaiva nguwo Yake. Ameni.

Chiiko chakaitika pamusoro peGomo Sunset? Mwari Achitsigira Shoko Rake. Ndizvo zvakaonzeresa ruzha rwose urwu. Mucherchedze, NdiMwari Ari kuzadzisa 'zve Shoko Rake Rakavimbiswa, RaZvakazarurwa 10 ndima 1 kusvika 7, “Uye mumazuva okurira kweMharidzo yomutumwa wechinomwe, chakavanzika chaMwari chichapedziswa.” Chakavanzika chakavanzwa chaZvakazarurwa 10 ndima 1 kusvika 7, Mharidzo yokugumisira kuzera rekereke rokupedzesera. Chinozadziswa nemo-nemo, muzera rino, Ruka 17 ndima 30, “Zuva iro Mwanakomana womunhu Achazarururwa.”
“Uye pachasimuka vaporofita venhema nanaKristu venhema, voratidza zviratidzo zvikuru nezvishamiso, mukuti zvaizonyengera vaSanangurwa dai zvaikwanisika.” Vanhu vachiri mukupokana. Uye, semazuva ose, kereke ichiri kunetseka kuzvinzwisisa.

Uye sainzi, muTucson mose zvamo, varikunyora zvinyorwa uye vozviisa mubepa. Seri uko ku Mount Lemmon, zvitori zvemifananidzo zvikuru izvozvo hazvina kuChiona Chichisimuka kubva pataive timire; Chichienda Chakananga Mavirira, kuratidza kuti nguva yapera. Haichagoni kuramba ichienda mberi asi kachidimbu kaduku ipapo; zvava Nharaunda dzeMavirira. Kutonga kwakandorova ikoko chaiko kwaChakaenda nako. Ndokuenda zvichikwidza mhiri kuPhoenix uye zvipfuurira mhiri, kunobata Prescott uye nokuyambukira mumakomo eNharaunda dzeMavirira, ndokukwidza mberi kundopinda... Vakanga vachiendepi? Kumusoro ikoko kuAlaska,uye Raitinhira, Rakananga neikoko.

Uye vanoongorora navose vekuTucson vachine mibvunzo, tsvakurudzo dzesainzi dzichizama kuda kuziva kuti chaiva chii. Kumusoro-soro uko hakugoni kuva nemhute,hunyoro kana chimwe zvacho ikoko. “Chiiko chakaRiumba?Riripiko?” Varikushaya nzwisiso nekuda kweChaedza Chemweya Chakarembera kumusoro uko mumatenga sezvavakaita apo Vachenjeri vemabvazuva vakauya vachitevera Nyeredzi, vachiti, “Aripiko Iye Aberekwa Mambo wavaJudha?” Chaiva chii? Mwari Achizadzisa Shoko Rake, “Uye pachasimuka nyeredzi kubva muna Jakobho.”

Uyewo Mwari WeDenga Akavimbisa kuti nguva yamanheru ichava neZviedza zvamaheru. Makore matatu adarika chakavanzika ichi chaiva chiporofita, “Inguva ipi ino, Changamire?” Asiyava nhoroondo ikozvino. Zvapfuura. Vimbiso yazadziswa. Inguva ipi ino, changamire, uye chii chinokwezva ichi? Mwari Achizadzisa Shoko Rake! Iye Ndiye mumwechete zuro, nhasi, nokusingaperi.

Verenga zvizere nyaya...
Chiiko chinokwezva meso paGomo?


Chakavanzika chaKristu.

Chirungu nhau yepamhepo webhusaiti.

Areka yaNoa.

Mwari neSainzi Index.
- Archeology.

Kubvutwa kuri kuuya.

Dzimwe dzidziso huru.

Nhau dzakanaka.
Jesu akafira zvivi zvako.

Kubhabhatidzwa Mumvura.

 

Gore rekudenga.

Shongwe yemoto.

Shekinah kubwinya kwaMwari.

Guva harina chinhu.
Iye mupenyu.

Zita raMwari.
Mwari anonzi ani?

Kurarama Shoko.

Nguva yekuguma
dzakatevedzana.

Chivi Chekutanga.
Yakanga iri apuro?

Mwari akatsanangura.

Mwari uye Nhoroondo
akatevedzana Index.

Kufamba
KwechiKristu
akatevedzana.

Rufu. Zvino ndodii?

Archeology.
Sodhoma neGomora.

  Rugwaro runoti...

Pazuva iroro hakuzovi nechiedza, kutonhora kana chando.

Richava zuva rakasiyana namamwe, risina nguva dzousiku kana nguva dzamasikati, zuva rinozivikanwa naJehovha. Kana madekwana asvika, chiedza chichavapo.

Zekaria 14:6-7


Dzvanya pane mufananidzo kuti utore pasi yakazara saizi kana PDF.


Acts of the Prophet

(PDFs Chirungu)

God, Hidden and
Revealed in simplicity.

(PDF Chirungu)

William Branham
Life Story.

(PDF Chirungu)

How the Angel came
to me.

(PDF Chirungu)


 


Meseji Hub...Sarudza mutauro wako uye dhawunirodha mameseji emahara kubva kuhama Branham.